Genesi 37 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Josefa unoteŋgeswa naʋakoma ʋake. 1 Ɀino Jakobo wakagara munyika yoʋutorwa bgaɓaɓa ʋake, munyika yeKanani. 2 Marudzi aJakobo ndiwo: Josefa wakaŋga anamakore anegumi namanomŋe, akafudza makwai pamŋe cete naʋakoma ʋake; wakaŋga aciri mukomana pamŋe cete naʋanakomana ʋaBirha, naʋanakomana ʋaZirpa, ʋakadzi ʋaɓaɓa ʋake; Josefa akasiʋaʋudzisira kunaɓaɓa ʋaʋo. 3 Ɀino Israeri wakaŋga aciɗa Josefa kupfuʋura ʋana ʋake ʋose, nokuti wakaŋga ari mŋanakomana woʋutana bgake; akamuitira ŋguʋo yakaŋga yakareɓa inamaʋoko. 4 Ʋakoma ʋake ʋakaʋona kuti ɓaɓa ʋaʋo ʋanomuɗa kupfuʋura ʋakoma ʋake ʋose; ʋakamuʋeŋga, ʋakasagona kutaura naye nomufaro. 5 Ɀino Josefa akarota hope, akaʋudza ʋakoma ʋake, ipapo ʋakanyanya kumuʋeŋga. 6 Akati kwaʋari: Inzwai ʋo hope dzaŋgu dzandarota. 7 Tarirai, takaŋga ticisuŋga ɀisote mumunda, ʋonei cisote caŋgu cikasimuka, cikaramba cimire; ndikaʋona ɀisote ɀenyu ɀicikomba caŋgu, ɀikakotama pamberi pecisote caŋgu. 8 Ʋakoma ʋake ʋakati kwaari: Ko iwe ucaɓata ʋushe pamsoro peɗu kanhi — Ko iwe ucaʋa nesimba pamsoro peɗu kanhi — Ʋakanyanya kumuʋeŋga nokuɗa kwokurota kwake nokwamashoko ake. 9 akapamha kurota ɀe, akaʋudza ʋakoma ʋake, akati: Tarirai, ndarota ɀe dzimŋe hope; ndakaʋona zuʋa, nomŋedzi, nenyeredzi dzinegumi neimŋe, dzicikotamira pamberi paŋgu. 10 Akaʋudza ɓaɓa ʋake naʋakoma ʋake iɀoɀo; ɓaɓa ʋake ʋakamutuka, ʋakati kwaari: Kurota kwako uku kwawarota kurota kunyi — Ini namai ʋako naʋakoma ʋako ticaʋuya tikakotama pasi pamberi pako kanhi? 11 Ʋakoma ʋake ʋakamugoɗora; asi ɓaɓa ʋake ʋakaceŋgeta shoko iro. 12 Ɀino ʋakoma ʋake ʋakandofudza makwai aɓaɓa ʋaʋo paShekemi. 13 Israeri akati kunaJosefa: Ʋakoma ʋako haʋafudzi makwai paShekemi here — Ʋuya ndikutumire kwaʋari. Iye akati: Ndiri pano haŋgu. 14 Akati kwaari: Ɀino, cienda undotarira kana ʋakoma ʋako ʋakafara, namakwai kana akafara ʋo; ugodzoka kuzondiʋudza. Naiɀoɀo wakamutuma, ari pamupata weHebroni, akandoȿika Shekemi. 15 Ɀino mumŋe murume wakamuwana acidzuŋgaira musaŋgo; murume akamubvunza, akati: Unotȿakeiko? 16 Iye akati: Ndinotȿaka ʋakoma ʋaŋgu; ɗondiʋudza hako kwaʋanofudza makwai. 17 Murume akati: Ʋabva pano, nokuti ndakaʋanzwa ʋaciti: Ŋgatiende Dotani. Josefa akateʋera ʋakoma ʋake, akandoʋawana paDotani. 18 Iʋo ʋakamuʋona aciri kure; ɀino asati aȿika kwaʋari, ʋakaraŋgana kuti ʋamuʋuraye. 19 Ʋakataurirana, ʋaciti: Hoyo, muroti uya woʋuya. 20 Ʋuyai ɀino timuʋuraye, timukandire munerimŋe ramakomba awa, tigoti: Wadyiwa necikara; tigoʋona kuti kurota kwake kucazoitwa seiko. 21 Rubeni akaɀinzwa, akamurwira mumaʋoko aʋo, akati: Ŋgatirege kumuʋuraya. 22 Rubeni akati kwaʋari: Musaɗurura ropa; mumukandirei mugomba iri riri musaŋgo, asi regai kutambanudza maʋoko enyu kwaari; kuti amurwire pamaʋoko aʋo, agomudzosera kunaɓaɓa ʋake. 23 Ɀino Josefa wakati aȿika kuʋakoma ʋake, ʋakabvisira Josefa ŋguʋo yake, ŋguʋo iya yakaŋga yakareɓa inamaʋoko, yaakaŋga akafuka; 24 ʋakamutora, ʋakamukandira mugomba; gomba rakaŋga risinecinhu, maŋga musinemvura. 25 Ʋakagara pasi, ʋakadya ɀokudya; ɀino ʋakasimudza meso aʋo, ʋakatarira, ʋakaʋona ɓoka raʋaIshmaeri ʋacifamba, ʋacibva Gireadi, makamera aʋo akatakura ɀinhu ɀinonhuwira, nebarsami, nemura, ʋacindoɀiisa Egipita. 26 Ɀino Juda akati kuʋana ʋaɓaɓa ʋake: Tiŋgawaneiko kana tikaʋuraya munuŋuna weɗu ticiʋanza ropa rake? 27 Ʋuyai timuteŋgese kuʋaIshmaeri; maʋoko eɗu arege kuʋa kwaari; nokuti munuŋuna weɗu, nyama imŋe nesu. Ʋana ʋaɓaɓa ʋake ʋakamuterera. 28 Ɀino ʋateŋgesi ʋaʋaMidiani ʋakapfuʋura’po, ʋakakwidza Josefa ʋacimuɓuɗisa mugomba, ʋakateŋgesa Josefa kuʋaIshmaeri namashekeri anamakumi maʋiri; iʋo ʋakaisa Josefa Egipita. 29 Ɀino Rubeni wakadzokera kugomba, akawana Josefa asisi’mo mugomba; akabvarura ŋguʋo dzake. 30 Akadzokera kuʋanuŋuna ʋake, akati: Mŋana haaci’po; ini ɀino ndicaendepiko? 31 Ɀino ʋakatora ŋguʋo yaJosefa, ʋakaʋuraya nhoŋgo yembudzi, ʋakanyika ŋguʋo muropa; 32 ʋakatumira ŋguʋo iyo yakareɓa inamaʋoko kunaɓaɓa ʋaʋo, ʋakati: Tanoŋga cinhu ici; fananidzai ɀakanaka kana iri ŋguʋo yomŋanakomana wenyu, kana isati iri iyo. 33 Iʋo ʋakafananidza, ʋakati: Iŋguʋo yomŋanakomana waŋgu; wadyiwa necikara; Josefa ɀirokwaɀo waparadzwa. 34 Jakobo akabvarura ŋguʋo dzake, akasimira magumbu paciʋuno cake, akacema mŋanakomana wake mazuʋa mazhinji. 35 Ʋanakomana ʋake ʋose naʋakunda ʋake ʋose ʋakasimuka ʋakamunyaradza; asi wakaramba kunyaradzwa, akati: Ndicaɓurukira kubgiro kumŋanakomana waŋgu, ndicicema. Ƃaɓa ʋake ʋakamuwuŋgudzira. 36 Ɀino ʋaMidiani ʋakandomuteŋgesa Egipita kunaPotifari, muranda waFarao, mukuru waʋarindi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society