Genesi 36 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋana ʋaEsau. 1 Ndiwo marudzi aEsau (rimŋe zita ndiEdomi): 2 Esau wakawana ʋakadzi ʋake kuʋakunda ʋeKanani, ʋaiti: Ada, mukunda waEroni, muHeti, naOhoribama, mukunda waAna, mukunda waZibeoni, muHivi; 3 naBasemati, mukunda waIshmaeri, hanɀadzi yaNebayoti. 4 Ada wakaɓerekera Esau Erifazi; Basemati wakaɓereka Reuri; 5 Ohoribama wakaɓereka Jeushi, naJarami, naKora; ndiʋo ʋanakomana ʋaEsau, ʋaakaɓerekerwa panyika yeKanani. 6 Ɀino Esau wakatora ʋakadzi ʋake, naʋanakomana ʋake, naʋakunda ʋake, naʋanhu ʋose ʋeimba yake, neɀipfuwo ɀake, neŋombe dzake dzose, nefuma yake yose yaakaŋga aʋuŋganidza munyika yeKanani, akaenda kunyika iri kure nomunuŋuna wake Jakobo. 7 Nokuti fuma yaʋo yakaŋga yawanda, naiɀoɀo ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kugara panɀimbo imŋe; nyika yoʋutorwa bgaʋo yakaŋga isiŋgaʋariŋgani nokuɗa kweɀipfuwo ɀaʋo. 8 Esau akandogara kugomo reSeiri; Esau ndiye Edomi. 9 Marudzi aEsau, ɓaɓa ʋaʋaEdomi, kugomo reSeiri, ndiwo: 10 Mazita aʋanakomana ʋaEsau ndiwo: Erifazi, mŋanakomana waAda, mukadzi waEsau, naReuri, mŋanakomana waBasemati, mukadzi waEsau. 11 Ʋanakomana ʋaErifazi ʋaiʋa Temani, naOmari, naZefo, naGatami, naKenazi. 12 Timna wakaŋga ari muroŋgo waErifazi, mŋanakomana waEsau; iye wakaɓerekera Erifazi Amareki; ndiʋo ʋanakomana ʋaAda, mukadzi waEsau. 13 Ʋanakomana ʋaReuri ndiʋo: Nahati naZera, naShama naMiza; ndiʋo ʋanakomana ʋaBasemati, mukadzi waEsau. 14 Ʋanakomana ʋaOhoribama, mukunda waAna, mukunda waZibeoni, mukadzi waEsau, ndiʋo: Iye wakaɓerekera Esau Jeushi, naJarami, naKora. 15 Awa ndiwo madzishe pakati paʋana ʋaEsau: Ʋanakomana ʋaErifazi, ɗaŋgwe raEsau: Ishe Temani, nashe Omari, nashe Zefo, nashe Kenazi, 16 nashe Kora, nashe Gatami, nashe Amareki; ndiwo madzishe okwaErifazi munyika yeEdomi; ndiʋo ʋanakomana ʋaAda. 17 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaReuri, mŋanakomana waEsau: Ishe Nahati, nashe Zera, nashe Shama, nashe Miza; ndiwo madzishe okwaReuri munyika yeEdomi; ndiʋo ʋanakomana ʋaBasemati, mukadzi waEsau. 18 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaOhoribama, mukadzi waEsau: Ishe Jeushi, nashe Jarami, nashe Kora; ndiwo madzishe okwaOhoribama, mukunda waAna, mukadzi waEsau. 19 Ndiʋo ʋanakomana ʋaEsau, ndiwo madzishe aʋo. Ndiye Edomi. 20 Ndiʋo ʋanakomana ʋaSeiri, muHori, ʋaigara panyika iyo: Rotani, naShobari, naZibeoni, naAna, 21 naDishoni, naEzeri, naDishani; ndiwo madzishe okuʋaHori, ʋanakomana ʋaSeiri munyika yeEdomi. 22 Ʋanakomana ʋaRotani, ʋaiʋa Hori, naHemani; hanɀadzi yaRotani waiʋa Timna. 23 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaShobari: Arvani, naManahati, naEbari, naShefo, naOnami. 24 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaZibeoni: Aja, naAna; ndiye Ana wakawana matsime emvura inopisa kusaŋgo, acifudza mboŋgoro dzaZibeoni, ɓaɓa ʋake. 25 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaAna: Dishoni, naOhoribama, mukunda waAna. 26 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDishoni: Hemdani, naEshbani, naItrani, naKerani. 27 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaEzeri: Birhani, naZaavani, naAkani. 28 Aʋa ndiʋo ʋanakomana ʋaDishani: Uzi naArani. 29 Awa ndiwo madzishe okuʋaHori: Ishe Rotani, nashe Shobari, nashe Zibeoni, nashe Ana, 30 nashe Dishoni, nashe Ezeri, nashe Dishani; ndiwo madzishe okuʋaHori, namarudzi aʋo munyika yeSeiri. 31 Awa ndiwo madzimambo akaɓata ʋushe munyika yeEdomi, ʋana ʋaIsraeri ʋacigere kuʋa namadzimambo: 32 Bera, mŋanakomana waBeori, wakaɓata ʋushe paEdomi; zita reguta rake rainzi Dinhaba. 33 Akafa, Jobabi, mŋanakomana waZera weBozra akaɓata ʋushe pacigaro cake. 34 Jobabi akafa, Hushami wenyika yaʋaTemani akaɓata ʋushe pacigaro cake. 35 Hushami akafa, Hadadi, mŋanakomana waBedadi, uya wakaʋuraya Midiani kusaŋgo reMoabi, akaɓata ʋushe pacigaro cake; zita reguta rake rainzi Aviti. 36 Hadadi akafa, Samra weMasreka akaɓata ʋushe pacigaro cake. 37 Samra akafa, Shauri weRehoboti paRwizi akaɓata ʋushe pacigaro cake. 38 Shauri akafa, Baari‐hanani, mŋanakomana waAkbori akaɓata ʋushe pacigaro cake. 39 Baari‐hanani, mŋanakomana waAkbori, akafa, Hadari akaɓata ʋushe pacigaro cake; zita reguta rake rainzi Pau; zita romukadzi wake rainzi Mehetaberi, mukunda waMatredi, mukunda waMehazahadi. 40 Awa ndiwo mazita amadzishe okwaEsau, nedzimba dzaʋo, namaguta aʋo, namazita aʋo: Ishe Timna, nashe Arva, nashe Jeteti; 41 nashe Ohoribama, nashe Era, nashe Pinoni; 42 nashe Kenazi, nashe Temani, nashe Mibzari; 43 nashe Magdieri, nashe Irami; ndiwo madzishe aEdomi, paʋakagara munyika yakaŋga iri yaʋo. Ndiye Esau, ɓaɓa ʋaEdomi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society