Online Bible

- Reklamy -

Genesi 17 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Abrama unotumidzwa Abrahama. Unopiwa ciratidzo cokudziŋgiswa.

1 Abrama wakati aȿika makore anamakumi mapfumbamŋe namapfumbamŋe, Jehova akaɀiratidza kunaAbrama, akati kwaari: Ndini Mŋari wamasimba ose; famba pamberi paŋgu, uʋe wakarurama.

2 Ndicaita suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, ndicakuwanza kwaɀo.

3 Ipapo Abrama akawira pasi neciso cake, Mŋari akataura naye, akati:

4 Kana ndirini, tarira, suŋgano yaŋgu inewe, ucaʋa ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji.

5 Zita rako haricazonzi Abrama, asi zita rako ricanzi Abrahama; nokuti ndakakuita ɓaɓa ʋendudzi zhinji‐zhinji.

6 Ndica kuɓerekesa ʋana ʋazhinji‐zhinji; ndicakuita ndudzi, namadzimambo acabva kwauri.

7 Ndicasimbisa suŋgano yaŋgu pakati paŋgu newe, naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose, kuti iʋe suŋgano isiŋgaperi; ndicaʋa Mŋari wako nowaʋana ʋako ʋanokuteʋera.

8 Ndicakupa iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera, nyika mauri mutorwa iwe, nyika yeKanani yose, kuti iʋe yako nokusiŋgaperi; ini ndicaʋa Mŋari waʋo.

9 Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana uri’we, ceŋgeta suŋgano yaŋgu, iwe naʋana ʋako ʋanokuteʋera pamarudzi aʋo ose.

10 Ndiyo suŋgano yaŋgu, yamunofanira kuceŋgeta pakati paŋgu nemi naʋana ʋako ʋanokuteʋera: Ʋanakomana ʋose pakati penyu ŋgaʋadziŋgiswe.

11 Mudziŋgiswe panyama yecikanda cenyu capamberi, kuti ciʋe ciratidzo cesuŋgano iri pakati paŋgu nemi

12 Mŋanakomana unamazuʋa masere pakati penyu ŋgaadziŋgiswe, mukomana mumŋe nomumŋe pamarudzi enyu, kana akaɀarwa mumba, kana akateŋgwa nemari kuʋatorwa ʋapi naʋapi, ʋasati ʋari ʋaʋana ʋako.

13 Wakaɀarwa mumba mako, nowakateŋgwa nemari, ʋanofanira kudziŋgiswa; suŋgano yaŋgu iʋe panyama yenyu, iʋe suŋgano isiŋgaperi.

14 Munhurume usina‐kudziŋgiswa, usina‐kudziŋgiswa panyama yecikanda cake capamberi, munhu wakaɗai unofanira kubviswa pakati porudzi rwake; wakaputsa suŋgano yaŋgu.

15 Mŋari akati ʋo kunaAbrahama: Kana ari Sarai, mukadzi wako, haufaniri kuzomutumidza zita rinonzi Sarai, asi zita rake ricanzi Sara;

16 ndicamuropafadza iye, ndikupe mŋanakomana kwaari; ndicamuropafadza iye, kuti aʋe mai ʋendudzi; madzimambo aʋanhu acabva maari.

17 Ipapo Abrahama wakawira pasi neciso cake, akaseka, akati mumŋoyo make: Ko munhu unamakore anezana uŋgaɓerekerwa mŋana here? NaSara, waʋa namakore anamakumi mapfumbamŋe, uŋgaɓereka here?

18 Abrahama akati kunaMŋari: Ƌai Ishmaeri acirarama hake pamberi penyu!

19 Mŋari akati kwaari: Kwete, asi Sara, mukadzi wako, ndiye ucakuɓerekera mŋanakomana, unofanira kumutumidza zita rinonzi Isaka; ndicaita suŋgano yaŋgu naye, iʋe suŋgano isiŋgaperi pakati paʋana ʋake ʋanomuteʋera.

20 Kana ari Ishmaeri, ndakunzwa ʋo; tarira, ndamuropafadza, ndicamuɓerekesa ʋana ʋazhinji, nokumuwanzisa kwaɀo; ucaɓereka madzishe anegumi namaʋiri, ndicamuita rudzi rukuru.

21 Asi suŋgano yaŋgu ndicaisimbisa naIsaka, uyo waucaɓerekerwa naSara neŋguʋa iyi makei.

22 Akapedza kutaura naye, Mŋari akakwira acibva kunaAbrahama.

23 Ipapo Abrahama wakatora Ishmaeri, mŋanakomana wake, naʋose ʋakaɀarwa mumba make, naʋose ʋakateŋgwa nemari yake, munhurume mumŋe nomumŋe kuʋanhu ʋakaŋga ʋari paimba yaAbrahama, akaʋadziŋgisa ɀikanda ɀaʋo ɀapamberi nomusi iwoyo, seɀaakaʋudzwa naMŋari.

24 Abrahama wakaŋga anamakore anamakumi mapfumbamŋe nan apfumbamŋe musi wokudziŋgiswa kwake.

25 Ishmaeri, mŋanakomana wake, wakaŋga anamakore anegumi namatatu musi wokudziŋgiswa kwake

26 Nomusi uyo Abrahama wakadziŋgis a pamŋe cete naIshmaeri, ŋanakomana wake.

27 Naʋarume ʋose ʋeimba yake, ʋakaŋga ʋaɀarirwa mumba make, naʋakaŋga ʋateŋgwa nemari kuʋatorwa, ʋakadziŋgiswa pamŋe cete naye.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy