Online Bible

- Reklamy -

Genesi 16 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Hagari naIshmaeri.

1 Ɀino Sarai, mukadzi waAbrama, wakaŋga asiŋgamuɓerekeri ʋana; iye wakaŋga anomurandakadzi, muEgipita, wainzi Hagari.

2 Sarai akati kunaAbrama: Tarira, Jehova wakandikonesa kuɓereka; pinda hako kumurandakadzi waŋgu, ɀimŋe ndiŋgawana ʋana naye. Abrama akaterera shoko raSarai.

3 Ɀino Sarai, mukadzi waAbrama, wakatora Hagari, muEgipita, murandakadzi wake, — Abrama ɀino wakaŋga agara makore anegumi panyika yeKanani, — akamupa Abrama, murume wake, kuti aʋe mukadzi wake.

4 Akapinda kunaHagari, iye akatora mimba; ɀino wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akashoʋora ʋatenzi ʋake.

5 Ipapo Sarai akati kunaAbrama: Kukaŋganiswa kwaŋgu ŋgakuʋe pamsoro pako; ndini ndakapa murandakadzi waŋgu pacifuʋa cako; ɀino iye wakati oʋona kuti waʋa nemimba, akandishoʋora; Jehova ŋgaatoŋge pakati paŋgu newe.

6 Abrama akati kunaSarai: Tarira, murandakadzi wako uri paruʋoko rwako, umuitire seɀaunoɗa. Ɀino Sarai wakamunetsa, akatiza.

7 Mutumŋa waJehova akamuwana patsime remvura musaŋgo, patsime riri panzira inoenda Shuri.

8 Akati: Nhandi Hagari, murandakadzi waSarai, wabvepiko? Unoendepiko — Iye akati: Ndinotiza ʋatenzi ʋaŋgu Sarai.

9 Mutumŋa waJehova akati kwaari: Dzokera kuʋatenzi ʋako, uɀiɗukupise pasi pake.

10 Mutumŋa waJehova akati kwaari: Ndicawandisa ʋana ʋako, ʋarege kuʋereŋgwa nokuwanda kwaʋo.

11 Mutumŋa waJehova akati ʋo kwaari: Tarira waʋa nemimba, ucaɓereka mŋanakomana; umutumidze zita rinonzi Ishmaeri, nokuti Jehova wakanzwa kutambudzika kwako.

12 Iye ucaʋa sembizi pakati paʋanhu; ucarwa naʋanhu ʋose, naʋanhu ʋose ʋacarwa naye; ucagara akatarisana nehama dzake dzose.

13 Hagari akatumidza Jehova wakataurirana naye, zita rinonzi: Ndimi Mŋari unoʋona; nokuti wakati: Ɀirokwaɀo ndamuʋona pano oenda, iye unondiʋona!

14 Naiɀoɀo tsime iro rakatumidzwa Beeri‐raahi‐roi (tsime raiye mupenyu unondiʋona); riri pakati peKadeshi neBeredi.

15 Hagari akaɓerekera Abrama mŋanakomana; Abrama akatumidza mŋanakomana wake, wakaɓerekwa naHagari, zita rinonzi Ishmaeri.

16 Abrama wakaŋga anamakore makumi masere namatanhatu, Hagari acimuɓerekera Ishmaeri.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy