Online Bible

- Reklamy -

Genesi 15 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Jehova unoita suŋgano naAbrama.

1 Shure kwaiɀoɀo shoko raJehova rakaȿika kunaAbrama paneɀaakaratidzwa, riciti: Usatya Abrama; ini ndiri nhoʋo yako nomuɓairo wako mukuru‐kuru.

2 Abrama akati: Ishe Jehova, mucandipeiko, ɀandofa haŋgu ndisinomŋana; ucaʋa mudyi wenhaka yeimba yaŋgu ndiEriezeri weDamasiko kanhi?

3 Abrama akati: Tarirai, hamuna‐kundipa mŋana; ɀino uyo wakaponerwa mumba maŋgu ndiye ucaʋa mudyi wenhaka yaŋgu.

4 Ipapo shoko raJehova rakaȿika kwaari, rikati: Uyu haaŋgaʋi mudyi wenhaka yako; asi uyo, ucaɓuɗa paʋura bgako, ndiye ucaʋa mudyi wenhaka yako.

5 Akamuɓuɗisa panze, akati: Ɀino tarira kuɗeŋga, uʋereŋge nyeredzi, kana ucigona kudziʋereŋga. Akati kwaari: Ndiɀo ɀicaita ʋana ʋako.

6 Iye akatenda Jehova, akamuti ndiko kururama kwake.

7 Akati kwaari: Ndini Jehova wakakuɓuɗisa panyika yeUri yaʋaKardia, kuti ndikupe nyika iyi, iʋe nhaka yako.

8 Iye akati: Ishe Jehova, ndicaziʋa seiko kuti icaʋa nhaka yaŋgu?

9 Akati kwaari: Nditorere tsiru rinamakore matatu, neshece yembudzi inamakore matatu, negondobge rinamakore matatu, nenjiʋa, nomŋana wenjiʋa.

10 Akandomutorera iɀoɀo ɀose, akaɀipamura napakati, akagadzika rumŋe rutiʋi rwakatarisana norumŋe; asi shiri haanakudzipamura.

11 Ipapo magora akaɓurukira kunyama, asi Abrama wakaadziŋga.

12 Ɀino zuʋa rakati roʋira, Abrama ndokuɓatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.

13 Akati kunaAbrama: Uziʋe kwaɀo kuti ʋana ʋako ʋacaʋa ʋatorwa munyika isati iri yaʋo: ʋacaʋa ʋaranda ʋaʋo; ʋacatambudzwa makore anamazana manna;

14 asi ini ndicatoŋga rudzi urwo rwaʋacashumira; pashure ʋacaɓuda’po nefuma zhinji.

15 Asi iwe ucaenda kunamadziɓaɓa ako norugare; ucaʋigwa wakwegura kwaɀo.

16 Rudzi rwecinna rucadzokera pano, nokuti kusarurama kwaʋaAmori kucigere kuzara.

17 Ɀino zuʋa rakati raʋira, kwaȿiɓa, coto cinopfuŋgaira nezhenje romŋoto ɀakaʋonekwa ɀicipfuʋura napakati penhindi idzedzo dzenyama.

18 Nomusi iwoyo Jehova akaita suŋgano naAbrama, akati: Ʋana ʋako ndaʋapa nyika iyi, kubva parwizi rweEgipita kuȿikira kurwizi rukuru, runonzi Yufratesi:

19 ƲaKeni, naʋaKenizi, naʋaKadmoni,

20 naʋaHeti, naʋaPerezi, naʋaRefaimi,

21 naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaGirgashi, naʋaJebusi.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy