Genesi 13 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Abrama naRoti ʋanoparadzana. 1 Ɀino Abrama wakakwira, akabva Egipita, iye nomukadzi wake, neɀose ɀaakaŋga anaɀo, naRoti ʋo anaye; ʋakaenda kurutiʋi rwenyasi. 2 Abrama wakaŋga akafuma kwaɀo ŋombe, nesirveri, nendarama. 3 Akafamba nzendo dzake acibva nyasi kuȿikira paBeteri, kunɀimbo iya kwaiʋa netente rake pakutaŋga, pakati peBeteri neAi; 4 kunɀimbo yeartari, yaakaŋga aita’po pakutaŋga; Abrama akanamata zita raJehova ipapo. 5 NaRoti ʋo, iye wakaenda naAbrama, wakaŋga anamakwai, neŋombe, namatente. 6 Nyika ikasaʋariŋgana, kuti ʋagare panɀimbo imŋe; nokuti fuma yaʋo yakaŋga iri zhinji; ʋakasagona kugara panɀimbo imŋe. 7 Ʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaAbrama naʋafudzi ʋeɀipfuwo ɀaRoti ʋakaita nharo; ʋaKanani naʋaPerezi ʋakaŋga ʋagere panyika iyo. 8 Ipapo Abrama akati kunaRoti: Nharo ŋgadzirege kuʋa’po pakati paŋgu newe, napakati paʋafudzi ʋaŋgu naʋafudzi ʋako, nokuti tiri hama. 9 Ko nyika yose haizi pamberi pako here? Paradzana hako neni; kana iwe ukaenda kuruɓoshwe, ini ndicaenda kurudyi; kana iwe ukaenda kurudyi, ini ndicaenda kuruɓoshwe. 10 Roti akasimudzira meso ake, akaʋona ɓani rose reJoridani, kuti rakaŋga rinemvura pose, Jehova acigere kuparadza Sodoma neGomora; rakaŋga rakaita somunda waJehova, senyika yeEgipita, kana munhu acienda Zoari. 11 Roti akaɀitsaurira ɓani rose reJoridani; Roti akaenda kurutiʋi rwamabvazuʋa; ʋakaparadzana haʋo. 12 Abrama akagara panyika yeKanani, Roti akagara pamaguta aiʋa kuɓani, akasweɗedzera tente rake kuȿikira paSodoma. 13 Ɀino ʋarume ʋeSodoma ʋakaŋga ʋakaipa, ʋaitadzira Jehova kwaɀo‐kwaɀo. 14 Ɀino Roti wakati aparadzana naye, Jehova akati kunaAbrama: Simudza hako meso ako ipapo paugere, utarire kurutiʋi rwokumsoro, norwenyasi, norwokumabvazuʋa, norwokumaʋirira; 15 nokuti nyika yose yaunoʋona, ndicaipa iwe naʋana ʋako nokusiŋgaperi. 16 Ndicaita ʋana ʋako seguruʋa renyika; kuti kana kunomunhu unogona kuʋereŋga guruʋa renyika, naʋana ʋako ʋaŋgaʋereŋgwa ʋo. 17 Simuka, ufambe nenyika pakureɓa kwayo, napaʋupamhi bgayo, nokuti ndicakupa iyo. 18 Ipapo Abrama wakabvisa tente rake, akandogara pamiti yemiouki yeMamre, iri paHebroni, akaʋakira’po Jehova artari. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society