Online Bible

- Reklamy -

Genesi 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kuɗanwa kwaAbrama.

1 Ɀino Jehova wakati kunaAbrama: Ibva panyika yako, nokuhama dzako, nokuimba yaɓaɓa ʋako, uende kunyika yandicakuratidza iyo;

2 ndicakuita rudzi rukuru, ndicakuropafadza, ndicakudza zita rako, iwe uropafadze ʋamŋe.

3 Ndicaropafadza iʋo ʋanokuropafadza; unokutuka, ndicamutuka ʋo; marudzi ose enyika acaropafadzwa mauri.

4 Naiɀoɀo Abrama wakaenda seɀaakaʋudzwa naJehova; naRoti wakaenda naye. Abrama wakaŋga anamakore anamakumi manomŋe namashanu pakubva kwake Harani.

5 Abrama akatora Sarai, mukadzi wake, naRoti, mŋanakomana womunuŋuna wake, nefuma yaʋo yose yaʋakaŋga ʋaʋuŋganidza, naʋana ʋaʋakaŋga ʋaɓereka paHarani, ʋakaɓuɗa kuenda kunyika yeKanani; ʋakandoȿika kunyika yeKanani.

6 Abrama akagura nenyika iyo akaȿika panɀimbo inonzi Shekemi, pamuti womuouki weMore; ŋguʋa iyo ʋaKanani ʋakaŋga ʋari munyika iyo.

7 Ɀino Jehova wakaɀiratidza kunaAbrama, akati: Ndicapa ʋana ʋako nyika iyi; akaʋakira Jehova artari ipapo, iye wakaŋga aɀiratidza kwaari.

8 Akabva ipapo, akaenda kugomo riri kumabvazuʋa aBeteri, akadzika’po tente rake; Beteri rakaŋga riri kumaʋirazuʋa neAi kumabvazuʋa; akaʋakira’po Jehova artari, akanamata Zita raJehova ipapo.

9 Kubva ipapo Abrama wakaramba acitamira kumaʋirazuʋa.


Abrama unotamira Egipita.

10 Ɀino nzara yakaŋga iri’po panyika iyo; Abrama ndokuɓurukira Egipita kundogara’ko; nokuti nzara yakaŋga iri huru panyika iyo.

11 Ɀino wakati oɗa kupinda Egipita, akati kunaSarai, mukadzi wake: Tarira, ndinoziʋa kuti uri mukadzi wakanaka paciso cako;

12 kana ʋaEgipita ʋacikuʋona, ʋacati: Ndiye mukadzi wake; ʋacandiʋuraya, asi iwe ʋacakurega uri mupenyu.

13 Uti hako uri hanɀadzi yaŋgu, kuti ndiitirwe ɀakanaka nokuɗa kwako, kuti mŋeya waŋgu urarame nokuɗa kwako.

14 Ɀino Abrama aciȿika Egipita, ʋaEgipita ʋakaʋona mukadzi kuti wakanaka kwaɀo.

15 Namacinda aFarao akamuʋona ʋo, ʋakandomurumbidza kunaFarao; mukadzi akatorwa, akaiswa mumba maFarao.

16 Akaitira Abrama ɀakanaka nokuɗa kwake; waiʋa namakwai, neŋombe, namakono emboŋgoro, naʋaranda, naʋarandakadzi, namakadzi emboŋgoro, namakamera.

17 Asi Jehova wakatambudza Farao naʋeimba yake namaɗambudziko makuru nokuɗa kwaSarai, mukadzi waAbrama.

18 Ɀino Farao wakaɗana Abrama, akati: Cinyiko ici cawandiitira — Wakaregereiko kundiziʋisa kuti mukadzi wako?

19 Wareʋereiko uciti: Ihanɀadzi yaŋgu? Naiɀoɀo ndakamutora kuti aʋe mukadzi waŋgu; naiɀoɀo ɀino hoyu mukadzi wako, mutore, uende hako.

20 Ɀino Farao akaraira ʋamŋe ʋarume pamsoro pake, ʋakamuperekedza iye nomukadzi wake neɀose ɀaakaŋga anaɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy