Genesi 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋanakomana ʋaJafeti, naHami, naShemi. 1 Ndiwo marudzi aʋanakomana ʋaNoa, naShemi, naHami, naJafeti; iʋo ʋakaɓerekerwa ʋana shure kwemvura zhinji. 2 Ʋanakomana ʋaJafeti ndiʋo: Gomeri, naMagogi, naMadai, naJavani, naTubari, naMesheki, naTirasi. 3 Ʋanakomana ʋaGomeri ndiʋo: Ashkenazi, naRifati, naTogarma. 4 Ʋanakomana ʋaJavani ndiʋo: Erisha, naTarshisi, naKitimi, naDodanimi. 5 Kwaʋari kwakabva ʋanhu ʋeɀiwi ɀakapararira. Ndiʋo ʋanakomana ʋaJafeti munyika dzaʋo, mumŋe nomumŋe norurimi rwake, nemhuri dzaʋo, nendudzi dzaʋo. 6 Ʋanakomana ʋaHami ndiʋo: Kushi, naMizraimi, naPuti, naKanani. 7 Ʋanakomana ʋaKushi ndiʋo: Seba, naHavira, naSabta, naRaama, naSabteka; naʋanakomana ʋaRaama ndiʋo: Sheba naDedani. 8 Kushi wakaɓereka Nimirodi, ndiye wakataŋga kuʋa nesimba panyika. 9 Wakaŋga ari mudzimba mukuru pamberi paJehova; naiɀoɀo ʋanoti: SaNimirodi, mudzimba mukuru pamberi paJehova. 10 Ʋushe bgake bgakataŋga paBaberi, neEreki, neAkadi, neKarine, panyika yeShinari. 11 Akaɓuda kunyika iyo, akaenda Asiria, akaʋaka Ninevi, neRohoboti‐Iri, neKara, 12 neReseni, pakati peNinevi neKara (iri iguta guru). 13 Mizraimi wakaɓereka ʋaRudi, naʋaAnami, naʋaRehabi, naʋaNaftuhi, 14 naʋaPatrusi, naʋaKasruhi, (ʋaFiristia ʋakabva kwaʋari), naʋaKaftori. 15 Kanani wakaɓereka Zidoni, ɗaŋgwe rake, naHeti; 16 naʋaJebusi, naʋaAmori, naʋaGirgashi; 17 naʋaHivi, naʋaArki, naʋaSini, 18 naʋaArvadi, naʋaZemari, naʋaHamati. Shure kwaiʋaʋa mhuri dzaʋaKanani dzakapararira. 19 Muganho waʋaKanani wakataŋga paZidoni, ukaenda Gerari, ukaȿika Gaza, ukaenda Sodoma, neGomora, neAdama, neZiboimi, ukaȿika paRasha. 20 Ndiʋo ʋanakomana ʋaHami, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo. 21 Naiye Shemi, ɓaɓa ʋaʋana ʋose ʋaEberi, mukuru waJafeti, wakaɓerekerwa ʋana. 22 Ʋanakomana ʋaShemi ndiʋo: Erami, naAsheri, naArpakshadi, naRudi, naArami. 23 Ʋanakomana ʋaArami ndiʋo: Uzi, naHuri, naGeteri, naMashi. 24 Arpakshadi wakaɓereka Shera, Shera akaɓereka Eberi. 25 Eberi akaɓerekerwa ʋanakomana ʋaʋiri, zita romumŋe rakaŋga riri Peregi, nokuti pamazuʋa ake nyika yakakamurwa; zita romunuŋuna wake rakaŋga riri Joktani. 26 Joktani wakaɓereka Armodadi, naSherefi, naHazamarveti, naJera; 27 naHadorami, naUsari, naDikra; 28 naObari, naAbimaeri, naSheba; 29 naOfiri, naHavira, naJobabi; aʋa ʋose ʋaiʋa ʋanakomana ʋaJoktani. 30 Kwaʋakagara ndiko: Kubva paMesha, kuenda Sefari, kugomo rokumabvazuʋa. 31 Ndiʋo ʋanakomana ʋaShemi, mhuri dzaʋo, nendimi dzaʋo, munyika dzaʋo, nendudzi dzaʋo. 32 Ndidzo mhuri dzaʋanakomana ʋaNoa, nedzimba dzaʋo, nendudzi dzaʋo; kwaʋari kwakabva ndudzi dzose dzakapararira, shure kwemvura zhinji. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society