Ezekieri 9 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Kurobga kweJerusarema. 1 Ipapo akaɗanidzira munzeʋe dzaŋgu nenzwi guru, aciti: Sweɗedzai ʋatariri ʋeguta, mumŋe nomumŋe anenhumbi yake yokuparadza muruʋoko rwake. 2 Ɀino tarira, ʋarume ʋatanhatu ʋakabva nenzira yesuʋo rokumsoro, riri kurutiʋi rwokumsoro, mumŋe nomumŋe anehubga yake muruʋoko rwake, nomumŋe murume pakati paʋo akafuka muceka, anorunyaŋga rweiŋgi rwomunyori paciʋuno cake. Ʋakapinda, ʋakandomira parutiʋi rweartari yendarira. 3 Ɀino kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kwakwira kucibva pakerubi, pakwakaŋga kuri, kukaȿika kucikumbaridzo ceimba; akaɗana murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi rwomunyori paciʋuno cake. 4 Jehova akati kwaari: Pfuʋura napakati peguta, napakati peJerusarema, uise ciratidzo pahuma dzaʋanhu ʋanogomera nokucema pamsoro peɀinonyaŋgadza ɀose ɀinoitwa mukati maro. 5 Asi kunaʋamŋe wakati, ini ndiciɀinzwa: Pfuʋurai nomuguta mucimuteʋera, muʋuraye; ziso renyu ŋgarirege kupembedza, musaʋa netsitsi; 6 ʋurayai cose ʋatana namajaya nemhandara naʋanana naʋakadzi; asi regai kusweɗera kunomumŋe uneciratidzo; mutaŋge panɀimbo yaŋgu tȿene. Ipapo ʋakataŋga naʋatana ʋakaŋga ʋari pamberi peimba. 7 Akati kwaʋari: Ȿiɓisai imba, muzadze maʋazhe naʋakaʋurawa; ciɓuɗai. Ʋakaɓuɗa, ʋakaʋuraya muguta. 8 Ɀino ʋakati ʋaciʋuraya, ini ndasiyiwa ndiri ndoga, ndikawira pasi neciso caŋgu, ndikacema, ndiciti: Haiwa, Ishe Jehova! Ko moparadza ʋose ʋakasara ʋaIsraeri pakuɗurura kwenyu hasha dzenyu pamsoro peJerusarema here? 9 Ipapo akati kwandiri: Ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri naJuda ɀakakura kwaɀo, nyika izere neropa, neguta rizere neɀisakarurama; nokuti ʋanoti: Jehova wakabva panyika, Jehova haaʋoni. 10 Neni, kana ndirini, ziso raŋgu hariŋgapembedzi, handiŋgaʋi netsitsi, asi ndicaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo. 11 Ɀino tarira, murume wakaŋga akafuka muceka, wakaŋga anorunyaŋga rweiŋgi paciʋuno cake, wakadzoka neshoko, akati: Ndaita seɀamakandiraira. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society