Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, tora munondo unopinza; uutore ciʋe ciȿo kwauri, ugoʋeʋura nawo musoro wako nendebvu dzako, ipapo utore ciyero cokuyera naco, ndokukamura vudzi.

2 Ɀino cetatu caro upise nomŋoto pakati peguta, kana mazuʋa okukombga kwaro apera; utore ʋo cimŋe cetatu, ugotema nomunondo kumatiʋi aro ose; ʋuye cetatu uparadzire kumhepo, ipapo ini ndicavomora munondo shure kwaʋo.

3 Ɀino utore ʋo rimŋe shomanene, urisuŋgire muŋguʋo dzako.

4 Ipapo utore ɀe rimŋe raro, urikandire mumŋoto, uciripisa mumŋoto; ipapo pacaɓuɗira mŋoto kuimba yose yaIsraeri.

5 Ɀanzi naShe Jehova: Iri ndiro Jerusarema; ndakariisa pakati pamarudzi, rakapoteredzwa nedzimŋe nyika kumatiʋi ose.

6 Asi rakaramba mitemo yaŋgu riciita ɀakaipa kupfuʋura mamŋe marudzi, nokuramba ɀandakaraira kupfuʋura dzimŋe nyika dzakaripoteredza; nokuti iʋo ʋakaramba mitemo yaŋgu, neɀandakaraira haʋana‐kufamba maɀiri.

7 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀamunehasha kupfuʋura marudzi akakukomberedzai, mukasafamba muneɀandakaraira nokusaceŋgeta mitemo yaŋgu, kunyaŋge kuita nemitemo yamarudzi akakupoteredzai;

8 naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ini, iyeni, ndinemhaka nemi, ndicaita ɀandakatoŋga pakati penyu mamŋe marudzi aciɀiʋona.

9 Ndicaita pakati penyu ɀandisina‐kumboita, ʋuye handiŋgatoŋgoiti ɀe ɀakaɗai, nemhaka yeɀinonyaŋgadza ɀenyu ɀose.

10 Naiɀoɀo madziɓaɓa acadya ʋanakomana ʋaʋo mukati mako, naʋanakomana ʋacadya madziɓaɓa aʋo; ndicakuitira ɀandakatoŋga, ndicaparadzira ʋakasara ʋako kumhepo dzose.

11 Saka noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ɀirokwaɀo, ɀawakaȿiɓisa nɀimbo yaŋgu tȿene neɀose ɀako ɀinosemesa neɀose ɀako ɀinonyaŋgadza, saka neni ndicabva kwauri, ziso raŋgu hariŋgakupembedzi, handiŋgaʋi netsitsi ʋo.

12 Cetatu cako cicafa nehosha yakaipa, ʋuye ʋacapedzwa nenzara mukati mako; cetatu cicaparadzwa nomunondo kumatiʋi ako, necimŋe cikamu cetatu ndicaciparadzira kumhepo dzose, nokuvomora munondo shure kwaʋo.

13 Saiɀoɀo kutsamŋa kwaŋgu kucapera, nehasha dzaŋgu kwaʋari ndicadzigumisa, ndikanyaradzwa; ʋacaziʋa kuti ini Jehova ndakataura nokushiŋgaira kwaŋgu, kana ndapedza hasha dzaŋgu pamsoro paʋo.

14 Ndicakuita ɗoŋgo necinoshoʋorwa pakati pamarudzi anokupoteredza, ɀiciʋonekwa naʋose ʋanopfuʋura napo.

15 Saiɀoɀo cicaʋa cinhu cinoshoʋorwa necinosekwa, cinonyeʋera necinoshamisa, kumarudzi ose anokupoteredza, kana ndicikuitira ɀandakatoŋga ndakatsamŋa, ndinehasha, ndicikutukai nehasha; (ini Jehova, ndini ndakataura iɀoɀo);

16 kana ndicituma pamsoro paʋo miseʋe yakaipa yenzara, ineɓasa rokuparadza, yandicatuma kuti ikuparadzeyi. Ndicawedzera nzara pamsoro penyu, nokuvuna muɗonɀo wenyu weɀokudya.

17 Ndicatuma pamsoro penyu nzara neɀikara ɀakaipa ɀicakutorerai ʋana; hosha yakaipa neropa ɀicapfuʋura napakati pako; ndicaʋuyisa munondo pamsoro pako. Ini Jehova, ndini ndakataura iɀoɀo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy