Ezekieri 47 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Mvura yakabva mutembere. 1 Ɀino wakandidzosera kumukoʋa weimba, ndikaʋona mvura zhinji iciɓuɗa pasi pecikumbaridzo ceimba kurutiʋi rwamabvazuʋa, nokuti imba yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa necemberi kwayo; mvura yakayerera icibva necapasi, kurutiʋi rworudyi rweimba, kurutiʋi rwezasi rweartari. 2 Ɀino akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rokurutiʋi rwokumsoro, akapota neni nenzira yokunze kuȿikira kusuʋo rokunze, nenzira yesuʋo rakaŋga rakatarira kurutiʋi rwezasi; ɀino tarira, mvura zhinji yakaŋga iciɓuɗa kurutiʋi rworudyi. 3 Ɀino murume uyo wakati aciɓuɗira kurutiʋi rwamabvazuʋa anorwonzi muruʋoko rwake, akayera makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuɀiziso ɀamakumbo. 4 Ɀino akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kumabvi. Akayera ɀe makubiti anecuru cimŋe, akandiyambusa nomumvura, mvura ikaȿikira kuciʋuno. 5 Shure kwaiɀoɀo akayera makubiti anecuru cimŋe; ɀino rwakaŋga rwaʋa rwizi, rwandakakoniwa kuyambuka; nokuti mvura yakaŋga yakwirira, yaʋa mvura muŋgashambira munhu, ruri rwizi rusiŋgabviri kuyambukwa. 6 Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, waʋona cinhu ici here? Ɀino akaenda neni, akandidzosera kumhenderekedzo yorwizi. 7 Ndakati ndadzoka, ndikaʋona pamhenderekedzo yorwizi miti mizhinji kwaɀo ʋuno nemhiri. 8 Ɀino akati kwandiri: Mvura iyi zhinji inoɓuɗa icienda kunyika iri kumabvazuʋa, icayerera kuȿikira kuAraba, ndokuenda kurutiʋi rweguŋgwa; ɀino icandoɗira muguŋgwa, kuti mvura iporeswe. 9 Ɀino ɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika pose panoȿika nzizi idzi mbiri, ɀicararama; hoʋe zhinji kwaɀo dzicaʋa’po, nokuti mvura iyi yakaȿika’ko, mvura yose icaporeswa, ʋuye ɀose ɀicararama pose panoȿika rwizi. 10 Ʋateyi ʋehoʋe ʋacamira’po, kubva Engedi kuȿikira Enegraimi ʋacateya’po ʋutaʋa; hoʋe dzicaʋa’po dzakafanana nehoʋe dzeguŋgwa guru namarudzi adzo, dziri zhinji kwaɀo. 11 Asi panamatope napanamacakwi hapaŋgaporeswi; acaregererwa munyu. 12 Parwizi, pamhenderekedzo dzarwo, ʋuno nemhiri, pacamera miti yamarudzi ose inodyiwa, isiŋgawomi mashizha ayo, ʋuye isiŋgashaiwi ɀiɓereko ɀayo; icaɓereka ɀiɓereko ɀitȿa mŋedzi mumŋe nomumŋe, nokuti mvura yarwo inoɓuɗa panɀimbo tȿene; ɀiɓereko ɀayo ɀicaʋa ɀokudya, namazhizha ayo acaporesa. Miganho yenyika. 13 Ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo miganho, yamunofanira kuganhura nyika nayo iʋe nhaka yamarudzi anegumi namaʋiri aIsraeri: Josefa unofanira kupiwa migoʋe miʋiri. 14 Munofanira kuigara nhaka, mumŋe acienzaniswa nomumŋe; nokuti ndakapika kuti ndicaipa madziɓaɓa enyu; nyika iyi icaʋa nhaka yenyu. 15 Iyi ndiyo miganho yenyika: Kurutiʋi rwokumsoro, kubva kuguŋgwa guru, nenzira yeHetroni, kuȿikira paʋanopinda ʋacienda Zedadi; 16 neHamati, neBerota, neSibraimi, riri pakati pomuganho weDamasko nomuganho weHamati; neHazeri‐hatikoni, riri pamuganho weHaurani. 17 Muganho unobva kuguŋgwa ndiHazari‐enoni pamuganho weDamasko; kurutiʋi rwokumsoro, ɀicienda kumsoro, muganho ndiHamati. Ndirwo rutiʋi rwokumsoro. 18 Kurutiʋi rwamabvazuʋa pakati peHaurani neDamasko neGireadi nenyika yaIsraeri, muganho unofanira kuʋa Joridani; munofanira kuyera kubva kumuganho wokumsoro kuȿikira kuguŋgwa rokumabvazuʋa. Ndirwo rutiʋi rwamabvazuʋa. 19 Rutiʋi rwezasi ɀicienda zasi, muganho ucabva paTamari kuȿikira kumvura yeMeriboti‐kadeshi, kuȿikira kurukoʋa rweEgipita, kuȿikira kuguŋgwa guru. Ndirwo rutiʋi rwezasi, ɀicienda zasi. 20 Kurutiʋi rwamaʋirazuʋa muganho unofanira kuʋa guŋgwa guru, kubva kurutiʋi rwezasi kuȿikira pakatarisana paʋanopinda kana ʋacienda Hamati. Ndirwo rutiʋi rwamaʋirazuʋa. 21 Saiɀoɀo munofanira kuɀiganhurira nyika iyi, ɀicienzana namarudzi aIsraeri. 22 Munofanira kuiganhura nemijenya, iʋe nhaka yenyu neyaʋatorwa ʋagere pakati penyu, ʋanozoɓereka ʋana pakati penyu; iʋo ʋanofanira kuʋa kwamuri saʋakaɓerekerwa pakati paIsraeri; ʋanofanira kugara nhaka pamŋe cete nemi pakati pamarudzi aIsraeri. 23 Pakati porudzi pagere mutorwa ndi’po pamunofanira kumupa nhaka yake — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society