Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 45 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mirairo pamsoro pokugoʋera nyika, namaɓasa aʋaɓati, neɀipiriso.

1 Ɀino kana muciganhura nyika nemijenya, kuti iʋe nhaka yenyu, munofanira kuʋigira Jehova cipo, uʋe mugoʋe mutȿene panyika; kureɓa kwawo kunofanira kuita tsaŋga dzineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu, noʋupamhi tsaŋga dzineɀuru ɀinegumi, unofanira kuʋa mutȿene kuȿikira kumiganho yawo yose kumatiʋi ose.

2 Ipapo panofanira kuʋa nɀimbo tȿene yakaita tsaŋga dzinamazana mashanu pakureɓa ʋuye tsaŋga dzinamazana mashanu paʋupamhi matiʋi ose manna akaenzana; ʋuye panofanira kuʋa noruwa rwakapoteredza kumatiʋi ose runoȿika makubiti makumi mashanu.

3 Ɀino pamugoʋe wakaganhurwa unofanira kuyera nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀiyero ɀineɀuru ɀinegumi paʋupamhi; imomo ndi’mo munofanira kuʋa nenɀimbo tȿene, iyo nɀimbo tȿene‐tȿene.

4 Uyu unofanira kuʋa mugoʋe mutȿene wenyika; unofanira kuʋa waʋaprista, iʋo ʋanoshumira panɀimbo tȿene, ʋanosweɗera kunaJehova kumushumira; inofanira kuʋa nɀimbo yedzimba dzaʋo, nenɀimbo tȿene yenɀimbo tȿene.

5 Nɀimbo inoȿika ɀiyero ɀineɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, neɀuru ɀinegumi paʋupamhi, inofanira kuʋa yaʋaRevi, iʋo ʋanoshumira paimba, iʋe nhaka yaʋo, paʋaŋgaʋaka maguta okugara’mo.

6 Nhaka yaʋo paguta munofanira kuiganhura, iite ɀiyero ɀineɀuru ɀishanu paʋupamhi, neɀuru ɀinamakumi maʋiri neɀishanu pakureɓa, parutiʋi rwecipo comugoʋe mutȿene; iyo inofanira kuʋa yeimba yose yaIsraeri.

7 Mugoʋe womucinda unofanira kuʋa kurutiʋi rumŋe nokunorumŋe rutiʋi rwecipo citȿene, nokwenhaka iri muguta, pamberi pecipo citȿene, napamberi penhaka iri muguta, kurutiʋi rwamaʋirazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, nokurutiʋi rwamabvazuʋa ɀicienda kumabvazuʋa; pakureɓa unofanira kuenzana nomugoʋe mumŋe, kubva kumuganho wokumaʋirazuʋa kuȿikira kumuganho wokumabvazuʋa.

8 Nyika iyo inofanira kuʋa nhaka yake pakati paIsraeri; macinda aŋgu haaŋgazomanikidzi ʋanhu ʋaŋgu, asi acapa imba yaIsraeri nyika ʋacienzanisa namarudzi aʋo.

9 Ɀanzi naShe Jehova: Ciriŋganiswai naɀo, imi macinda aIsraeri; bvisai kuita nesimba nokupamba, toŋgai ɀakarurama neɀakatendeka; bvisai kumanikidza kwenyu pakati paʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

10 Munofanira kuʋa neɀiyero ɀakarurama, neefa yakarurama, nebati rakarurama.

11 Efa nebati ɀinofanira kuʋa neciyero cimŋe, kuti bati riite cegumi cimŋe cehomeri, ʋuye efa iite cegumi cimŋe cehomeri; ciyero caɀo cinofanira kuyerwa nehomeri.

12 Shekeri rinofanira kuita magera makumi maʋiri; mane yenyu inofanira kuʋa mashekeri anamakumi maʋiri, namashekeri anamakumi maʋiri namashanu, namashekeri anegumi namashanu.

13 Ici ndico cipo camunofanira kuʋuya naco: Mugoʋe wecitanhatu weefa pahomeri imŋe yeɀiyo; ʋuye munofanira kupa mugoʋe wecitanhatu ceefa pahomeri yebari;

14 ʋuye mugoʋe wakatarwa wamafuta, webati ramafuta, unofanira kuʋa mugoʋe wegumi webati wakatorwa pakori, ndiwo mabati anegumi, ndiyo homeri imŋe (nokuti mabati anegumi anoita homeri imŋe);

15 ʋuye gwaiana rimŋe paɓoka ramakwai anamazana maʋiri, ari pamafuro akanatso‐ɗiridzwa aʋaIsraeri; ɀiʋe cipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuʋayananisira — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

16 Ʋanhu ʋose ʋenyika ʋanofanira kuʋigira mucinda waIsraeri cipo ici.

17 Mucinda ndiye unofanira kuisa ɀipiriso ɀinopiswa, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀinonwiwa pamitambo napakugara kwomŋedzi, napamasaɓata, pamitambo yose yakatarwa yeimba yaIsraeri; iye unofanira kugadzira cipiriso ceɀiʋi, necipiriso coʋupfu, necipiriso cinopiswa, necipiriso cokuyananisa, kuti ayananisire imba yaIsraeri.

18 Ɀanzi naShe Jehova: Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, munofanira kutora nzombe ɗuku isinemhoȿa, ndokunatsa nɀimbo tȿene.

19 Ɀino muprista unofanira kutora ropa recipiriso ceɀiʋi, ndokuriisa pambiru dzemikoʋa yeimba, napamakona manna omusara weartari, napambiru dzesuʋo roruʋazhe rwomukati.

20 Munofanira kuita ʋo saiɀoɀo nezuʋa recinomŋe romŋedzi, pamsoro pomumŋe nomumŋe unotadza, napamsoro peɓenzi; saiɀoɀo munofanira kuyananisira imba.

21 Nomŋedzi wokutaŋga nezuʋa regumi namanna romŋedzi, munofanira kuita paseka, uʋe mutambo wamazuʋa manomŋe; ciŋgwa cisinembiriso cinofanira kudyiwa.

22 Nezuʋa iro mucinda unofanira kuɀigadzirira iye, naʋanhu ʋose ʋenyika, nzombe ciʋe cipiriso ceɀiʋi.

23 Namazuʋa manomŋe omutambo unofanira kugadzirira Jehova cipiriso cinopiswa, ɀinoti nzombe nomŋe namakondobge manomŋe ɀisinemhoȿa, zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa iwayo manomŋe; ʋuye nhoŋgo imŋe zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi.

24 Ʋuye unofanira kugadzira cipiriso coʋupfu, efa imŋe panzombe imŋe neimŋe, neefa imŋe pagondobge rimŋe nerimŋe, nehini yamafuta paefa imŋe neimŋe.

25 Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi namashanu romŋedzi, pamutambo, unofanira kuita saiɀoɀo namazuʋa iwayo manomŋe, seɀaakarairwa pamsoro pecipiriso ceɀiʋi, napamsoro pecipiriso cinopiswa, napamsoro pecipiriso coʋupfu, napamsoro pamafuta.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy