Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 43 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kubginya kwaJehova kunozadza imba.

1 Pashure wakandiisa kusuʋo, iro suʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa.

2 Ɀino tarira, kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakabva kurutiʋi rwamabvazuʋa; inzwi rake rakaŋga rakaita somubvumo wemvura zhinji; pasi pakapenya nokubginya kwake.

3 Ɀakaŋga ɀakafanana neɀandakaʋona, iɀo ɀandakaʋona ŋguʋa yandakaʋuya kuzoparadza guta; ɀandakaʋona ɀino ɀakaŋga ɀakafanana neɀandakaʋona parwizi rwaKebari; ini ndikawira pasi neciso caŋgu.

4 Kubginya kwaJehova kukapinda mumba nenzira yesuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa.

5 Mŋeya ukandisimudza, ukandiisa muruʋazhe rwomukati; ɀino tarira, kubginya kwaJehova kwakazadza imba.

6 Ɀino ndikanzwa mumŋe acitaura neni ari mumba; mumŋe murume akamira neni.

7 Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, iyi ndiyo nɀimbo yecigaro caŋgu coʋushe, nenɀimbo inotsika tsoka dzaŋgu, pandicagara pakati paʋana ʋaIsraeri nokusiŋgaperi. Imba yaIsraeri haiŋgazoȿiɓisi zita raŋgu dɀene, kunyaŋge iʋo, kunyaŋge madzimambo aʋo, nokufeʋa kwaʋo ʋuye neɀitunha ɀamadzimambo aʋo panɀimbo dzaʋo dzakakwirira;

8 nokuisa cikumbaridzo caʋo pacikumbaridzo caŋgu, nembiru dzemikoʋa yaʋo parutiʋi rwembiru dzemikoʋa yaŋgu, kukaŋgoʋa necidziro pakati paŋgu naiʋo; ʋakaȿiɓisa zita raŋgu neɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀaʋakaita; naiɀoɀo ndakaʋapedza nokutsamŋa kwaŋgu.

9 Ɀino ŋgaʋarashe kufeʋa kwaʋo, neɀitunha ɀamadzimambo aʋo, ɀiʋe kure neni, ndigogara pakati paʋo nokusiŋgaperi.

10 Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ratidza imba yaIsraeri imba ino, kuti ʋanyare pamsoro peɀakaipa ɀaʋo; ŋgaʋayere maitirwe ayo.

11 Ɀino kana ʋacinyara pamsoro peɀose ɀaʋakaita, uʋaziʋise cimiro ceimba, nokuroŋgerwa kwayo, napanoɓuɗiwa napo, napanopindwa napo, neɀimiro ɀayo ɀose, nemitemo yayo yose, neɀimiro ɀayo ɀose, nemirairo yayo yose; uɀinyore ʋaciɀiʋona, kuti ʋaceŋgete cimiro cayo cose, nemitemo yayo yose, ʋaɀiite.

12 Uwu ndiwo murairo weimba: Pamsoro pegomo kumuganho waro wose kumatiʋi ose pacaʋa patȿene kwaɀo. Tarirai, ndiwo murairo weimba.


Artari yeɀiɓayiro.

13 Ubgu ndibgo ʋukuru bgeartari ɀiciyerwa namakubiti (kubiti ndiro kubiti rimŋe noʋupamhi bgecanza): Cigadziko cinofanira kuita kubiti rimŋe, noʋupamhi kubiti rimŋe; citenderedzo cayo panhiʋi dzayo cinofanira kuita ʋupamhi bgecanza; ndi’po pasi peartari.

14 Kubva pacigadziko pasi kuȿikira pamusara wapanyasi ɀinofanira kuita makubiti maʋiri, noʋupamhi kubiti rimŋe; kubva pamusara muɗuku kuȿikira pamusara mukuru ɀinofanira kuita makubiti manna, noʋupamhi kubiti rimŋe.

15 Artari yokumsoro inofanira kuita makubiti manna; kubva pacoto ceartari ɀicienda kumsoro kunofanira kuʋa nenyaŋga inna.

16 Coto ceartari cinofanira kuita makubiti anegumi namaʋiri pakureɓa, naanegumi namaʋiri paʋupamhi, matiʋi aro manna akaenzana.

17 Musara unofanira kuita makubiti anegumi namanna pakureɓa, ʋuye anegumi namanna paʋupamhi kumatiʋi aro manna; citenderedzo cinopoteredza cinofanira kuita hafu yekubiti; cigadziko cayo cinofanira kuita kubiti rimŋe kumatiʋi ose; ɀikwiriso ɀayo ɀinofanira kutarira kurutiʋi rwamabvazuʋa.

18 Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Iyi ndiyo mitemo yeartari nezuʋa raʋanoriita, kuzopisira’po ɀiɓayiro ɀinopiswa, nokusasira’po ropa.

19 Unofanira kupa ʋaprista ʋaRevi ʋorudzi rwaZadoki, ʋanosweɗera kwandiri kuzondishumira, nzombe ɗuku ciʋe cipiriso ceɀiʋi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

20 Ɀino unofanira kutora rimŋe ropa rayo, ndokuriisa panyaŋga dzaro inna, napamakona manna omusara, napacitenderedzo cakapoteredza; saiɀoɀo unofanira kurinatsa nokuriyananisira.

21 Unofanira kutora ʋo nzombe yecipiriso ceɀiʋi, ipiswe panɀimbo yakatarwa yeimba kunze kwenɀimbo tȿene.

22 Nezuʋa repiri unofanira kuɓayira nhoŋgo isinemhoȿa, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; ɀino ʋanofanira kunatsa artari, seɀaʋakarinatsa nenzombe.

23 Kana wapedza kurinatsa, unofanira kuɓayira nzombe ɗuku isinemhoȿa, negondobge rakatorwa kumakwai.

24 Unofanira kuɀisweɗedza pamberi paJehova, ʋaprista ʋagokushira munyu pamsoro paɀo, ndokuɀiɓayira ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova.

25 Uite mazuʋa manna ucigadzira nhoŋgo zuʋa rimŋe nerimŋe ciʋe ciɓayiro ceɀiʋi; ʋanofanira ʋo kugadzira nzombe ɗuku negondobge rinotorwa kumakwai ɀisinemhoȿa.

26 Ʋanofanira kuita mazuʋa manomŋe ʋaciyananisira artari nokurinatsa, nokuritsaurira Jehova.

27 Ɀino kana ʋapedza mazuʋa, nezuʋa rorusere, naanoteʋera, ʋaprista ʋanofanira kuʋuya neɀipiriso ɀenyu ɀinopiswa paartari, neɀipiriso ɀenyu ɀokuyananisa; ipapo ndicakugamucirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy