Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 42 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Makamuri oruʋazhe.

1 Ɀino wakandiɓuɗisira kuruʋazhe rwokunze, nenzira inoenda kurutiʋi rwokumsoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenɀimbo yaiʋa yoga, yakaŋga yakatarisana neimba kurutiʋi rwokumsoro.

2 Pamberi porutiʋi rwakareɓa, rwakaȿika makubiti anezana, kwakaŋga kunomukoʋa worutiʋi rwokumsoro, ʋuye ʋupamhi bgakaita makubiti makumi mashanu.

3 Pakatarisana namakubiti makumi maʋiri oruʋazhe rwomukati, ʋuye pakatarisana neguʋa rakaroŋgwa roruʋazhe rwokunze, kwakaŋga kunamaɓiraʋira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu.

4 Pamberi pamakamuri pakaŋga panenɀimbo yokufamba icipinda mukati yakaita makubiti anegumi, iri nzira yakaita makubiti anezana; mikoʋa yaɀo yakaŋga yakatarira kurutiʋi rwokumsoro.

5 Asi makamuri okumsoro akaŋga ari maɗuku kunamamŋe, nokuti maɓiraʋira akaŋga aciatapudzira, kupfuʋura apasi naapakati mukati meimba.

6 Nokuti akaŋga akaturikidzwa, ari matatu, asinembiru dzakaita sembiru dzamaʋazhe; naiɀoɀo okumsoro akaŋga akamanikana kupfuʋura apasi naapakati ɀicibva pasi.

7 Ruȿiŋgo rwakaŋga ruri kunze kurutiʋi rwamakamuri kuruʋazhe rwokunze pamberi pamakamuri, rwakaȿika makubiti makumi mashanu pakureɓa.

8 Nokuti kureɓa kwamakamuri akaŋga ari muruʋazhe rwokunze kwakaȿika makubiti makumi mashanu, asi tarira, pamberi petembere akaita makubiti anezana.

9 Pasi pamakamuri awa ndi’po pakaŋga panomukoʋa wokurutiʋi rwamabvazuʋa, kana munhu acipinda kwaari acibva kuruʋazhe rwokunze.

10 Mukati moʋupamhi bgoruȿiŋgo rworuʋazhe kurutiʋi rwamabvazuʋa, pamberi penɀimbo yaiʋa yoga, napamberi peimba, pakaŋga panamakamuri.

11 Nzira yakaŋga iri pamberi pawo yakaŋga yakafanana nenzira yamakamuri okurutiʋi rwokumsoro; seɀakaŋga ɀakaita kureɓa kwawo, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita ʋupamhi bgawo; pokuɓuɗa pawo pose pakaŋga pakafanana nokuroŋgerwa kwawo nemikoʋa yawo.

12 Seɀakaŋga ɀakaita mikoʋa yamakamuri akaŋga ari kurutiʋi rwezasi, saiɀoɀo kwakaŋga kunomukoʋa pakuguma kwenzira, iyo nzira yakaŋga yakaruramira pamberi poruȿiŋgo kurutiʋi rwamabvazuʋa, kana munhu acipinda mukati mawo.

13 Ɀino akati kwandiri: Makamuri okurutiʋi rwokumsoro namakamuri okurutiʋi rwezasi, ari pamberi penɀimbo iri yoga, ndiwo makamuri matȿene, panofanira kudyiwa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene naʋaprista ʋari pedyo naJehova; ndi’po paʋacafanira kuisa ɀinhu ɀitȿene‐tȿene, neɀipiriso ɀoʋupfu, neɀipiriso ɀeɀiʋi, neɀipiriso ɀemhoȿa; nokuti inɀimbo tȿene.

14 Kana ʋaprista ʋapinda, haʋafaniri kuzoɓuɗa panɀimbo tȿene ʋacienda kuruʋazhe rwokunze, asi ʋanofanira kuisa’po ŋguʋo dzaʋo dzaʋanoshumira nadzo, nokuti idzo itȿene; asi ʋanofanira kufuka dzimŋe ŋguʋo, ndokuzosweɗera kuneɀaʋanhu.

15 Ɀino wakati apedza kuyera imba yomukati, akandiɓuɗisa nenzira yesuʋo rakatarira kurutiʋi rwamabvazuʋa, akapayera kumatiʋi ose.

16 Akayera kurutiʋi rwamabvazuʋa norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu, norutsaŋga rwokuyera narwo kumatiʋi ose.

17 Akayera kurutiʋi rwokumsoro norutsaŋga rwokuyera narwo kumatiʋi ose, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu.

18 Akayera kurutiʋi rwezasi norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu.

19 Akadzoka kurutiʋi rwamaʋirazuʋa, akayera norutsaŋga rwokuyera narwo, ɀikaita tsaŋga dzinamazana mashanu.

20 Akapayera kumatiʋi ose manna; pakaŋga panoruȿiŋgo rwakapoteredza, rwakaŋga rwakaita ɀiyero ɀinamazana mashanu pakureɓa, namazana mashanu paʋupamhi, kuti ruparadzanise pakati peɀitȿene neɀisati ɀiri ɀitȿene.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy