Ezekieri 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ɀokuparadzwa kweJerusarema. 1 Ɀino iwe mŋanakomana womunhu, tora citina ucigadzike pamberi pako, ufananidzire’po guta, iro reJerusarema. 2 Ɀino urikombe nehondo, uriʋakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumatiʋi ose neɀokugumura kuriputsa. 3 Ɀino utore gaŋgo reɗare, urigadze pakati pako neguta, ruʋe ruȿiŋgo rweɗare; ɀino urinzire ciso cako kwariri, ipapo ricaʋa guta rakakombga nehondo, iwe ndiwe ucarikomba. Ici cicaʋa ciratidzo kuimba yaIsraeri. 4 Ʋuye ɀe, uʋate pasi parutiʋi rwako rworuɓoshwe, uise pamsoro parwo ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri; mazuʋa aunoʋata parutivi urwo ndiyo ŋguʋa yaucatakura ɀakaipa ɀaʋo. 5 Nokuti ndakatara makore eɀakaipa ɀaʋo aenzane namazuʋa ako, mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe; saiɀoɀo ucatakura ɀakaipa ɀeimba yaIsraeri. 6 Ɀino kana wapedza mazuʋa awa, uʋate pasi norutiʋi rwako rworudyi, kuti utakure ɀakaipa ɀeimba yaJuda; ndakakutarira mazuʋa anamakumi manna, zuʋa rimŋe nerimŋe rifananidze gore. 7 Urinzire ciso cako wakatarira kukombga kweJerusarema, ruʋoko rwako rwakafukurwa; ugoprofita pamsoro paro. 8 Tarira, ndinokusuŋga neɀisuŋgo, urege kushandukurira kunorumŋe rutiʋi, kuȿikira wapedza mazuʋa okukomba kwako. 9 Ɀino utore ʋo ɀiyo nebari nenyimo nenyemba namapfunde nesipereti uɀiise mumudziyo mumŋe, ugoɀiitira ciŋgwa naɀo; unofanira kucidya mazuʋa aunoʋata pasi parutiʋi rwako, iwo mazuʋa anamazana matatu namakumi mapfumbamŋe. 10 Ɀokudya ɀako ɀaunofanira kudya, ɀicayerwa kurema kwaɀo, mashekeri anamakumi maʋiri nezuʋa rimŋe nerimŋe; ucaɀidya ŋguʋa neŋguʋa. 11 Unofanira kunwa ʋo mvura yakayerwa, cecitanhatu cehini; ucainwa ŋguʋa neŋguʋa. 12 Unofanira kuɀidya ɀakafanana neɀiŋgwa ɀebari, unofanira kuɀiɓika pamberi paʋo nendoʋe inoɓuɗiswa naʋanhu. 13 Jehova akati: Saiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ɀinetȿina pakati pamarudzi kwandicaʋadziŋgira. 14 Ipapo ndikati: Haiwa, Ishe Jehova! Tarirai mŋeya waŋgu hauna‐kumboȿiɓiswa; nokuti kubva paʋuɗuku bgaŋgu kuȿikira ɀino, handina‐kumbodya cakafa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, nenyama inonyaŋgadza haina‐kumbopinda mumuromo maŋgu. 15 Ipapo akati kwandiri: Tarira, ndakupa ndoʋe yeŋombe panɀimbo yendoʋe yaʋanhu, unofanira kugadzira ɀokudya ɀako nayo. 16 Akati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, tarira ndicavuna muɗonɀo weɀokudya paJerusarema; ʋacadya ɀokudya ɀakayerwa ʋacitya, ʋacanwa mvura yakayerwa, ʋacivunduka; 17 kuti ʋashaiwe ɀokudya nemvura, ʋavunduke mumŋe nomumŋe, ʋapere muɀakaipa ɀaʋo. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society