Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 39 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)

1 Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, profita pamsoro paGogi, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Gogi, mucinda waRoshi, naMesheki naTubari;

2 ndicakutsausa, nokukutuŋgamirira, nokukuʋuyisa ucibva kumatiʋi okumsoro‐soro; ndicakuȿitsa pamakomo aIsraeri;

3 ndicaroʋa ʋuta bgako ʋubve muruʋoko rwako rworuɓoshwe, nokuwisa miseʋe yako iri muruʋoko rwako rworudyi.

4 Ucaparadzwa pamakomo aIsraeri, iwe namapoka ako ose, namarudzi aʋanhu anewe; ndicakupa iwe shiri dzamakondo dzamarudzi ose, neɀikara ɀesaŋgo, kuti udyiwe naɀo.

5 Ucawira pakacena paɓani; nokuti ini ndakaɀitaura — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

6 Ndicatuma mŋoto kunaMagogi, nokunaʋagere ɀakanaka paɀiwi; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

7 Ndicaziʋisa zita raŋgu dɀene pakati paʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri; handicatenderi kuti zita raŋgu dɀene rimhurwe; marudzi aʋanhu acaziʋa kuti ndini Jehova, iye Mutȿene waIsraeri.

8 Tarirai, ɀinoʋuya, ɀicaitwa — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndiro zuʋa randareʋa.

9 Ʋagere pamaguta aIsraeri ʋacaɓuɗa, ʋacaʋesa mŋoto nenhumbi dzokurwa nokudzipisa, ɀinoti nhoʋo ɗuku nenhoʋo huru, noʋuta nemiseʋe, netȿimbo namapfumo; ʋacaʋesa mŋoto naɀo ʋaciita makore manomŋe;

10 naiɀoɀo haʋaŋgandotori huni kusaŋgo, kana kundodzitema kumatondo, nokuti ʋacaʋesa mŋoto nenhumbi dzokurwa; ʋacaparadza ʋaiʋaparadza, nokupamba ʋaiʋapamba — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

11 Ɀino nezuʋa iro ndicapa Gogi nɀimbo yamarinda pakati paIsraeri, iwo mupata waʋafambi kurutiʋi rwamabvazuʋa rweguŋgwa; iɀeɀo ɀicadziʋisa ʋanopfuʋura napo; ipapo ʋacaʋiga Gogi naʋanhu ʋake ʋazhinji ʋose, ndokupatumidza zita rinonzi Hamoni‐Gogi.

12 Imba yaIsraeri icapedza mŋedzi minomŋe iciʋaʋiga, kuti ʋanatse nyika.

13 Ɀirokwaɀo, ʋanhu ʋose ʋenyika ʋacaʋaʋiga; icaʋa mbiri kwaʋari nezuʋa randicakudzwa naro — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

14 Ʋacatsaura ʋanhu ʋanoɓata misi yose, ʋacapota nenyika pamŋe cete naʋanopfuʋura napo, ʋaciʋiga ʋakasiyiwa pacena, kuti ʋanatse nyika; kana mŋedzi minomŋe yapera ʋacacerekedza pose.

15 Ʋanopfuʋura nap nyika ʋacapfuʋura haʋo; ɀino aninani kana aciŋge aciʋona fupa romunhu, ucaisa’po ciratidzo, kuȿikira ʋaʋigi ʋaciriʋiga pamupata waHamoni‐Gogi.

16 Hamona ricaʋa zita ʋo reguta. Saiɀoɀo ʋacanatsa nyika.

17 Ɀino iwe, mŋanakomana womunhu, ɀanzi naShe Jehova: Taura neshiri dzamarudzi ose, nemhuka dzose dzesaŋgo, uti: Ʋuŋganai, muʋuye; muʋuŋgane mucibva kumatiʋi ose, muʋuye kuciɓayiro caŋgu candinokuɓayirai, ciɓayiro cikuru pamakomo aIsraeri, kuti mudye nyama nokunwa ropa.

18 Mucadya nyama yaʋanesimba, nokunwa ropa ramacinda enyika, ramakondobge, neramakwaiana, nerembudzi, nerenzombe, ɀose ɀiri ɀakakodzwa ɀeBashani.

19 Mucadya ɀakakora kuȿikira maguta, nokunwa ropa kuȿikira maɓatwa, ɀeciɓayiro candakakuɓayirai.

20 Mucaguta patafura raŋgu namabiza neŋgoro, naʋanhu ʋanesimba, naʋarwi ʋamarudzi ose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

21 Ndicaisa mbiri yaŋgu pakati pamarudzi aʋanhu, marudzi ose acaʋona kutoŋga kwandakaita, noruʋoko rwaŋgu rwandakaisa pamsoro paʋo.

22 Naiɀoɀo imba yaIsraeri icaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo, kubva pazuʋa iro ɀicienda mberi.

23 Marudzi ose acaziʋa kuti imba yaIsraeri yakatapxa nokuɗa kweɀakaipa ɀaʋo, nokuti ʋakandiɗarikira, ndikaʋaʋanzira ciso caŋgu; naiɀoɀo ndakaʋaisa mumaʋoko aʋadziʋisi ʋaʋo, ʋakaparadzwa ʋose nomunondo.

24 Ndakaʋaitira ɀakafanira kusanaka kwaʋo nokuɗarika kwaʋo, ndicaʋaʋanzira ciso caŋgu.

25 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀino ndicadzosa kutapxa kwaJakobo, nokunzwira imba yose yaIsraeri nyasha; ndicashiŋgairira zita raŋgu dɀene.

26 Ʋacaʋa nemhoȿa yokunyadziswa kwaʋo neyokuɗarika kwaʋo kwaʋakandiɗarikira nako, kana ʋacizogara ɀakanaka panyika yaʋo, kusina‐unozoʋatyisa;

27 kana ndaʋadzosa kumarudzi aʋanhu, nokuʋaʋuŋganidza kunyika dzaʋaʋeŋgi ʋaʋo, ndikaɀiita mutȿene pamberi pamarudzi mazhinji.

28 Ipapo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo, ɀandakaʋatapisa pakati pamarudzi, ndikaʋaʋuŋganidzira ɀe munyika yaʋo; handiŋgatoŋgozosiyi mumŋe waʋo’po;

29 ʋuye handiŋgazoʋaʋanziri ciso caŋgu; nokuti ndakaɗurura Mŋeya waŋgu pamsoro peimba yaIsraeri — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy