Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 38 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kuparadzwa kwaGogi.

1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti:

2 Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kunaGogi, wenyika yaMagogi, mucinda waRoshi naMesheki naTubari, uprofite pamsoro pake,

3 uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira ndinemhaka newe, iwe Gogi, mucinda waRoshi naMesheki naTubari;

4 ndicakutsausa, nokukuisa ɀikokoʋono mushaya dzako; ndicakuɓuɗisa, iwe nehondo yako yose, mabiza naʋataȿi ʋamabiza, ʋose ʋakafuka ŋguʋo dzose dzokurwa, ɓoka guru ʋanenhoʋo huru nenhoʋo ɗuku, ʋose ʋakaɓata minondo;

5 ʋaPersia naʋaKushi naʋaPuti pamŋe cete naʋo, ʋose ʋanenhoʋo neŋgowani dzokurwa;

6 naGomeri namapoka ake ose, neimba yaTogarma kumatiʋi okumsoro‐soro, namapoka ake ose, marudzi mazhinji aʋanhu anewe.

7 Gara wakaɀigadzira, ɀirokwaɀo uɀigadzire, iwe namapoka ako ose akaʋuŋgana kwauri, iwe uʋe mutuŋgamiriri waʋo.

8 Kana mazuʋa mazhinji apfuʋura, ucashanyirwa; pamakore okupedzisira ucapinda munyika yakarwirwa pamunondo, yakaʋuŋganidzwa icibva kumarudzi mazhinji, pamakomo aIsraeri, aigara akaparadzwa; asi yadzoswa icibva kumarudzi aʋanhu, ʋose ʋacagara ɀakanaka.

9 Ipapo iwe ucakwira, ucaʋuya seɗutu remhepo, ucaʋa segore rinofukidza nyika, iwe, namapoka ako ose, naʋanhu ʋazhinji ʋanewe.

10 Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa iro mŋoyo wako ucapindwa nemiraŋgariro, ucafuŋga zano rakaipa;

11 ucati: Ndicaenda kunyika inemisha isina‐kuʋakirwa; ndicaenda kunaʋanorugare, ʋagere ɀakanaka, ʋose ʋagere ʋasinamaȿiŋgo, ʋasineɀipfigiso kana masuʋo;

12 nditore’ko ɀandiŋgapamba neɀandiŋgatapa; kuti utambanudzire ruʋoko rwako kuzorwa nenɀimbo dzakaŋga dzaparadzwa dzinogarwa ɀino, nokurudzi rwakaʋuŋganidzwa kumarudzi aʋanhu, ʋakawana ɀipfuwo nefuma, ʋagere pakati penyika.

13 Sheba neDedani naʋashambadziri ʋeTarshishi, pamŋe cete neshumba ɗuku dzose dza’po, ʋacati kwauri: Waʋuya kuzotora ɀakapambga here? Waʋunganidza ɓoka rako kuzotora ɀakatapxa here? Kuti utore sirveri nendarama, kuti utore ɀipfuwo nefuma, kuti utore ɀakapambga ɀizhinji here?

14 Naiɀoɀo, mŋanakomana womunhu, profita uti kunaGogi: Ɀanzi naShe Jehova: Zuʋa iro kana ʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri ʋacigara ɀakanaka, ko iwe hauŋgaɀiziʋi here?

15 Ɀino iwe ucaʋuya, ucibva kuʋugaro bgako kumatiʋi okumsoro‐soro, iwe naʋanhu ʋazhinji ʋanewe, ʋose ʋakataȿa maɓiza, riri ɓoka guru nehondo inesimba;

16 ucaʋuya kuzorwa naʋanhu ʋaŋgu ʋaIsraeri, wakaita segore rinofukidza nyika; ɀino namazuʋa okupedzisira ndicakuʋuyisa kuti urwe nenyika yaŋgu, kuti marudzi andiziʋe, kana ndaitwa mutȿene pakati pako, iwe Gogi, iʋo ʋaciɀiʋona.

17 Ɀanzi naShe Jehova: Ko ndiwe wandakareʋa neŋguʋa yakare naʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita ʋaIsraeri, ʋaiprofita namazuʋa iwayo ʋaciita makore mazhinji, kuti ndicakuʋuyisa kuzorwa naʋo here?

18 Ɀino nezuʋa iro kana Gogi aciʋuya kuzorwa nenyika yaIsraeri, hasha dzaŋgu dzicakwira mumhino dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

19 Nokuti ndakataura negoɗo raŋgu ʋuye nomŋoto wehasha dzaŋgu, ndiciti: Ɀirokwaɀo, nezuʋa iro kuzunuŋguka kukuru kucaʋa’po panyika yaIsraeri;

20 nokuɗaro kuti hoʋe dzeguŋgwa, neshiri dzokuɗeŋga, nemhuka dzesaŋgo, neɀinokambaira ɀose ɀinokambaira panyika, naʋanhu ʋose ʋari pasi pose, ɀicazunuŋguka pamberi paŋgu, namakomo acawiswa pasi, namawere acawira pasi, noruȿiŋgo rumŋe norumŋe rucawira pasi.

21 Ndicaɗana munondo uʋuye kuzorwa naye kumakomo aŋgu ose — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova; munondo womunhu mumŋe nomumŋe ucarwa nehama yake.

22 Ndicamutoŋga nehosha yakaipa neropa; ndicanisa pamsoro pake, napamsoro pamapoka ake, napamsoro pamarudzi mazhinji aʋanhu ʋanaye, mvura inoturuka, necimvuramabge cikuru, nomŋoto nesurferi.

23 Ini ndicaɀikurisa, nokuɀiita mutȿene, nokuɀiziʋisa pamberi pamarudzi mazhinji; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy