Ezekieri 35 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Edomi ricaparadzwa. 1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti: 2 Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kugomo reSeiri, uprofite pamsoro paro, 3 uti kwariri: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe gomo reSeiri, ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kwauri, ndicakuita ɗoŋgo necishamiso. 4 Ndicaparadza maguta ako, iwe ucaʋa ɗoŋgo; ɀino ucaziʋa kuti ndini Jehova. 5 Nokuti wakaʋeŋga ʋana ʋaIsraeri nokuʋeŋga kusiŋgaperi, ukaʋaisa pasimba romunondo neŋguʋa yenjodzi yaʋo, neŋguʋa yeɀakaipa ɀokupedzisira; 6 naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicakugadzirira ropa, ropa ricakuteʋerera; ɀausina‐kuʋeŋga ropa, ropa ricakuteʋerera. 7 Saiɀoɀo ndicaita gomo reSeiri cishamiso neɗoŋgo; ndicaparadza mariri ʋanofamba napo naʋanodzoka napo. 8 Ndicazadza makomo aro naʋanhu ʋaro ʋakaʋurawa; muɀikomo ɀako nomumipata yako napahoʋa dzako dzose ndi’po pacawa ʋakaʋurawa nomunondo. 9 Ndicakuita ɗoŋgo nokusiŋgaperi, maguta ako haaŋgagarwi; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. 10 Ɀawakati: Marudzi awa maʋiri nenyika idzi mbiri ɀicaʋa ɀaŋgu, icaʋa nhaka yeɗu, kunyaŋge Jehova wakaŋga ari’po; 11 naiɀoɀo noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ndicaita ɀakafanira kutsamŋa kwako, ʋuye ɀakafanira goɗo rako rawakaʋaitira nokuʋeŋga kwako; ɀino ini ndicaɀiziʋisa pakati paʋo, kana ndicikutoŋga iwe. 12 Iwe ucaziʋa kuti ini Jehova ndakanzwa kumhura kwako kwose kwawakataura pamsoro pamakomo aIsraeri, uciti: Akaparadzwa, takaapiwa isu ɀiʋe ɀokudya ɀeɗu. 13 Makaɀikudza kwandiri nemiromo yenyu, makawanza mashoko enyu kwandiri; ndaɀinzwa. 14 Ɀanzi naShe Jehova: Kana nyika yose icifara, ndicakuita iwe ɗoŋgo. 15 Seɀawakafara pamsoro penhaka yeimba yaIsraeri, nemhaka yokuti yakaitwa ɗoŋgo, saiɀoɀo ndicakuitira ʋo; ucaʋa ɗoŋgo, iwe gomo reSeiri, neEdomi rose, iɀo ɀose ɀaro; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society