Ezekieri 34 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋafudzi ʋasino‐kutendeka ʋaIsraeri ʋanotukwa. 1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri riciti: 2 Mŋanakomana womunhu, profita pamsoro paʋafudzi ʋaIsraeri, profita, uti kwaʋari, kunaiʋo ʋafudzi: Ɀanzi naShe Jehova: ʋanenhamo iʋo ʋafudzi ʋaIsraeri ʋanoɀifudza! Ko ʋafudzi haʋafaniri kufudza makwai here? 3 Munodya mafuta, munofuka makushe awo, munoɓaya akakora, asi hamufudzi makwai. 4 Hamuna‐kusimbisa anoshaiwa simba, kana kurapa anorwara, kana kupombera akavunika, kana kudzosa akadziŋgwa, kana kundotȿaka akarashika, asi makaaɓata nesimba nehasha. 5 Akapararira, nokuti akaŋga asinomufudzi, akaʋa ɀokudya ɀeɀikara ɀose ɀokusaŋgo, akapararira. 6 Makwai aŋgu akadzuŋgaira pamakomo ose, napacikomo cimŋe necimŋe cakakwirira, ɀirokwaɀo makwai aŋgu akapararira pasi pose, hakunawakaaronda nokuatȿaka. 7 Naiɀoɀo imi ʋafudzi, inzwai shoko raJehova: 8 Noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — ɀirokwaɀo, makwai aŋgu ɀaakapambga, ɀaakaʋa ɀokudya ɀeɀikara ɀose ɀokusaŋgo, nokuti kwakaŋga kusinomufudzi, naʋafudzi ʋaŋgu ɀaʋasina‐kuronda makwai aŋgu, asi ʋafudzi ʋaŋgu ʋakaɀifudza iʋo, ʋakasafudza makwai aŋgu; 9 naiɀoɀo, imi ʋafudzi, inzwai shoko raJehova: 10 Ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndinemhaka naʋafudzi, ndicabvunza makwai aŋgu pamaʋoko aʋo, nokuʋadziʋisa kuzofudza makwai, ʋuye ʋafudzi haʋaŋgazoɀifudzi iʋo; ndicarwira makwai aŋgu pamiromo yaʋo, kuti arege kuzoʋa ɀokudya ɀaʋo. 11 Nokuti ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ini, ini ndimene, ndicaronda makwai aŋgu nokuatȿaka. 12 Mufudzi seɀaanotȿaka ɓoka rake, nezuʋa raari pakati pamakwai ake akapararira kwose, saiɀoɀo ndicatȿaka makwai aŋgu, ndicaarwira panɀimbo dzose kwaakapararira nezuʋa ramakore nererima. 13 Ndicaaɓuɗisa pakati pamarudzi aʋanhu, nokuaʋuŋganidza kunyika dzose, ndiaȿitse kunyika yawo, ndicaafudza pamakomo aIsraeri, pahoʋa napanɀimbo dzose dzenyika dzakagarwa naʋanhu. 14 Ndicaafudza namafuro akanaka, ɗaŋga rawo ricaʋa pamakomo akakwirira aIsraeri; acaʋata ipapo pasi muɗaŋga rakanaka, acafura pamafuro akamera kwaɀo pamakomo aIsraeri. 15 Ini ndimene ndicaʋa mufudzi wamakwai aŋgu, ndicaaʋatisa pasi — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 16 Ndicatȿaka akarashika, ndicadzosa akadziŋgwa, ndicapombera akavunika, ndicasimbisa anorwara; asi akakora naanesimba ndicaaparadza; ndicaafudza ɀakarurama. 17 Kana muri’mi ɓoka raŋgu, — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — tarirai ndinotoŋga pakati pamakwai namakwai, pakati pamakondobge nenhoŋgo. 18 Ko munoti cinhu ciɗuku here ɀamakafura pamafuro akanaka, ɀino motsika netsoka dzenyu mafuro enyu akasara? 19 Kana ari makwai aŋgu, anodya ɀamakatsika netsoka dzenyu, nokunwa ɀamakabvoŋgodza netsoka dzenyu. 20 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova kwaʋari: Tarirai, ini, iyeni, ndicatoŋga pakati pamakwai akakora namakwai akawonda. 21 Ɀamunosunda norutiʋi nefudzi, mucituŋga asinesimba nenyaŋga dzenyu, kuȿikira maaparadzira kwose, 22 naiɀoɀo ndicaponesa ɓoka raŋgu, kuti arege kuzopambga; ndicatoŋga pakati pamakwai namakwai. 23 Ndicaamutsira mufudzi mumŋe woga, iye ucaafudza, iye muranda waŋgu Davidi; iye ucaafudza, iye ucaʋa mufudzi wawo. 24 Ini Jehova ndicaʋa Mŋari waʋo, nomuranda waŋgu Davidi ucaʋa mucinda pakati paʋo; ini Jehova ndakataura iɀoɀo. 25 Ndicaita naʋo suŋgano yorugare, ndicapedza ɀikara panyika yaʋo, ʋacagara ɀakanaka murenje, nokuʋata mumatondo. 26 Ndicaʋaita ropafadzo iʋo nenɀimbo dzakapoteredza cikomo caŋgu; ndicapfunhisa mvura neŋguʋa yayo, mishoko inoropafadza icaʋa’po. 27 Miti iri kusaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nenyika icaɓereka ɀayo, ʋacagara ɀakanaka panyika yaʋo; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinovuna matanda ejoko raʋo, nokuʋarwira pamaʋoko aʋaiʋaɓatisa. 28 Haʋaŋgazoʋi cinhu cinopambga namarudzi aʋanhu, neɀikara ɀenyika haɀiŋgaʋaparadzi; asi ʋacagara ɀakanaka, hakuna‐uŋgaʋatyisa. 29 Ndicaʋamedzera miti inorumbidzwa, haʋaŋgazopedzwi nenzara panyika yaʋo, kana kuzoshoʋorwa namarudzi aʋanhu. 30 Ɀino ʋacaziʋa kuti ini Jehova Mŋari waʋo ndinaʋo, ʋuye kuti iʋo, iyo imba yaIsraeri, ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 31 Asi imi, makwai aŋgu, makwai anofudzwa neni, muri ʋanhu, neni ndiri Mŋari wenyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society