Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 31 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


ƲaEgipita ʋacaita saʋaAsiria.

1 Ɀino negore regumi nerimŋe, nomŋedzi wecitatu, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi, shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

2 Mŋanakomana womunhu, iti kunaFarao mambo weEgipita, nokuʋanhu ʋake ʋazhinji: Iwe wakafanana nani paʋukuru bgako?

3 Tarira, muAsiria wakaŋga ari musidari paRebanoni, wakaŋga unamashizha akanaka, nomumvuri wakaita soweɗondo, wakareɓa kwaɀo; musoro wawo wakaŋga uri kumakore.

4 Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasi‐pasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimŋa, yaiȿitsa migero yayo kumiti yose yokusaŋgo.

5 Naiɀoɀo wakakura kupfuʋura miti yose yokusaŋgo, mataʋi awo akawanda, ʋutaʋi bgawo ʋukareɓa nemvura zhinji, neŋguʋa yokumera kwawo.

6 Shiri dzose dzokuɗeŋga dzakaʋaka matendere adzo mumataʋi awo, nemhuka dzose dzokusaŋgo dzakaɓereka ʋana ʋadzo pasi pamataʋi awo; marudzi makuru ose aʋanhu akagara mumumvuri wawo.

7 Saiɀoɀo wakaŋga wakanaka paʋukuru bgawo, napakureɓa kwamataʋi awo; nokuti mudzi wawo wakaŋga uri mumvura zhinji.

8 Misidari mumunda waMŋari yakaŋga isiŋgagoni kuudzitira; miti yemisipresi haina‐kufanana noʋutaʋi bgawo, nemiprani yakaŋga isina‐kufanana namataʋi awo; kwakaŋga kusinomuti mumunda waMŋari wakaŋga wakafanana nawo pakunaka kwawo.

9 Ndakauita ɀakanaka nokuwanda kwamataʋi awo, naiɀoɀo miti yose yeEdeni, yaiʋa mumunda waMŋari, yaiugoɗora.

10 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakakura ɀikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, mŋoyo wake ukaɀikudza nokuɗa kwokureɓa kwake,

11 ndicamuisa muruʋoko rwounesimba pakati pamarudzi aʋanhu, iye ucamuitira ɀawakafanira; ndakamudziŋga nokuɗa kweɀakaipa ɀake.

12 Ʋatorwa, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi, ʋakamutema ʋakamurega, mataʋi ake akawira pamsoro pamakomo nomumipata yose, ʋutaʋi bgake bgakavunikira pahoʋa dzose dzenyika; ʋanhu ʋose ʋenyika ʋabva pamumvuri wake, ʋakamusiya.

13 Shiri dzose dzokuɗeŋga dzicagara paɗanda rake rakawa, mhuka dzose dzesaŋgo dzicaʋa pamataʋi ake;

14 kuti miti yose iri pamvura irege kuɀikudza nokureɓa kwayo, kana kuȿitsa misoro yayo mumakore, neinesimba pakati payo irege kumira iciɀikudza — iyo miti yose inonwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunɀimbo dzapasi dzenyika, pakati paʋana ʋaʋanhu, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba.

15 Ɀanzi naShe Jehova: Nezuʋa raakaɓurukira kuSheori, ndakaraira kuti ʋanhu ʋaceme; ndakafukidza pakadzika nokuɗa kwake, ndikadzora nzizi dza’po, mvura zhinji ikamiswa; ndakaraira Rebanoni kumucema, miti yose yokusaŋgo ikati rukutu nokuɗa kwake.

16 Ndakaɗeɗeresa marudzi ose nokutinhira kwokuwa kwake, neŋguʋa yandakamukandira muSheori, pamŋe cete naʋanoɓurukira kugomba; miti yose yeEdeni, iyo yakatsaurwa yakaiȿo‐naka yeRebanoni, iyo yose inonwa mvura, ikaʋaraidzwa panɀimbo dzapasi dzenyika.

17 Yakaɓurukira ʋo naye kuSheori kunaiʋo ʋakaʋurawa nomunondo; ɀirokwaɀo, ndiʋo ʋaiʋa ruʋoko rwake, ʋaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi.

18 Iwe wakafanana naniko pakubginya noʋukuru pakati pemiti yeEdeni? Kunyaŋge ɀakaɗaro ucaɓuruswa pamŋe cete nemiti yeEdeni kunɀimbo dzapasi dzenyika; ucaʋata pasi pakati paʋasina‐kudziŋgiswa, pamŋe cete naʋakaʋurawa nomunondo. Ndiye Farao naʋanhu ʋake ʋazhinji — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy