Ezekieri 3 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)1 Ipapo akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, cidya caunowana; cidya rugwaro urwu rwakapetwa, uende, undotaura neimba yaIsraeri. 2 Ipapo ndakashamisa muromo waŋgu, iye akandidyisa rugwaro rwakapetwa. 3 Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, dyisa ɗumbu rako, ugutise ʋura bgako norugwaro rwakapetwa urwu rwandinokupa. Ipapo ndikarudya, rukaʋa mumukanwa waŋgu soʋuci nokuzipa. 4 Ɀino akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, famba uende kuimba yaIsraeri, utaure kwaʋari mashoko aŋgu. 5 Nokuti hautumŋi kurudzi runomutaurire usiŋgazikanwi norurimi runogozha, asi kuimba yaIsraeri; 6 hautumŋi kumarudzi mazhinji anomutaurire usiŋgazikanwi norurimi runogozha, ʋausiŋgagoni kunzwisisa mashoko aʋo. Ɀirokwaɀo, ɗai ndaikutuma kwaʋari ʋaŋgaɗai ʋaikunzwa. 7 Asi imba yaIsraeri icaramba kukunzwa, nokuti haʋaɗi kundinzwa ini, nokuti imba yose yaIsraeri ʋanehuma dzakawoma, nemŋoyo mikukutu. 8 Tarira, ndinowomesa ciso cako seɀakaita ɀiso ɀaʋo, nehuma yako seɀakaita huma dzaʋo. 9 Ndakawomesa huma yako sedaimani rinokunda musarasara; usaʋatya, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba inondimukira simba. 10 Wakati ʋo kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mashoko aŋgu ose andicataura kwauri, uagamucire mumŋoyo mako, uanzwe nenzeʋe dzako. 11 Famba, uende kunaʋari pakutapxa, kuʋana ʋaʋanhu ʋako, utaure naʋo, uʋaʋudze, uti: Ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi. 12 Ipapo Mŋeya wakandisimudza, ndikanzwa shure kwaŋgu mubvumo wokuwuŋga kukuru, ɀiciti: Kubginya kwaJehova ŋgakurumbidzwe panɀimbo yake. 13 Ndikanzwa mubvumo wamapapiro eɀipenyu, acigunɀana, nomubvumo wamakumbo eŋgoro kumatiʋi aɀo, uri mubvumo wokuwuŋga kukuru. 14 Ipapo Mŋeya wakandisimudza, ndokundibvisa’po; ndikaenda ndineshuŋgu, mŋeya waŋgu wakatsamŋa; ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu nesimba. 15 Ɀino ndakaȿika kunaʋaiʋa pakutapxa paTeri‐abibi, ʋakaŋga ʋagere parwizi rwaKebari, ipapo paʋakaŋga ʋagere; ini ndikagara’po pakati paʋo mazuʋa manomŋe ndicishaiwa mashoko. Ezekieri unoɗanwa aʋe nharirire yaIsraeri. 16 Ɀino mazuʋa manomŋe akati apera, shoko raJehova rikaȿika kwandiri riciti: 17 Mŋanakomana womunhu, ndakakuita nharirire yeimba yaIsraeri; naiɀoɀo cinzwa shoko rinobva mumuromo maŋgu, uʋanyeʋere panɀimbo yaŋgu. 18 Kana ini ndikati kunowakaipa: Ɀirokwaɀo ucafa, iwe ukasamunyeʋera, kana kutaura ɀinonyeʋera wakaipa panzira yake yakaipa, kuti aponese ʋupenyu bgake, munhu uyu wakaipa ucafira muɀakaipa ɀake, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. 19 Asi kana iwe ukanyeʋera wakaipa, akasatendeʋuka paɀakaipa ɀake, kana panzira yake yakaipa, iye ucafira muɀakaipa ɀake, asi iwe warwira hako mŋeya wako. 20 Ʋuye ɀe, kana munhu wakarurama akatsauka pakururama kwake, akaita ɀakaipa, ini ndikaisa cigumbuso pamberi pake, ucafa; ɀausina‐kumunyeʋera, ucafira muɀiʋi ɀake; ɀakarurama ɀaakaita haɀiŋgaraŋgarirwi, asi ropa rake ndicaribvunza paruʋoko rwako. 21 Asi kana ukanyeʋera munhu wakarurama, kuti wakarurama arege kutadza, iye akasatadza, ɀirokwaɀo ucararama, nokuti wakaterera kunyeʋerwa, newe warwira mŋeya wako. 22 Ruʋoko rwaJehova rwakaŋga ruri pamsoro paŋgu ipapo, akati kwandiri: Simuka, uende kuɓani, ndicataura newe ipapo. 23 Ɀino ndakasimuka, ndikaenda kuɓani, ndikaʋona kubginya kwaJehova kumire’po, kwakafanana nokubginya kwandakaʋona parwizi rwaKebari; ndikawira pasi neciso caŋgu. 24 Ipapo Mŋeya wakapinda mandiri, akandimisa namakumbo aŋgu, akataura neni, akati kwandiri: Enda, undoɀipfigira mumba mako. 25 Asi iwe, mŋanakomana womunhu, tarira, ʋacaʋuya neɀisuŋgo kwauri, ʋacakusuŋga naɀo, kuti urege kuɓuɗira pakati paʋo; 26 ini ndicanamatirisa rurimi rwako mumukanwa wako, kuti uʋe mbeʋeʋe, urege kuʋa murairi waʋo; nokuti iʋo iimba inondimukira simba. 27 Asi kana ndicitaura newe, ndicashamisa muromo wako, iwe ugoti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Unonzwa, ŋgaanzwe, unoramba, ŋgaarambe; nokuti iʋo iimba inondimukira simba. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society