Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 28 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Mariro pamsoro peTire.

1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

2 Mŋanakomana womunhu, iti kumucinda weTire: Ɀanzi naShe Jehova: Mŋoyo wako ɀawakaɀikudza, iwe ukati: Ini ndiri mŋari, ndigere pacigaro caMŋari pakati pamakuŋgwa, kunyaŋge ɀakaɗaro, uri munhu hako, hauzi Mŋari, kunyaŋge wakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari;

3 tarira, unokunda Danieri pakucenjera kwako, hakune‐cakaʋanzika causiŋgaziʋi iwe;

4 wakaɀiwanira fuma noʋucenjeri bgako ʋuye nokuziʋa kwako, ukaɀiwanira ndarama nesirveri muɀiʋigiro ɀefuma yako;

5 wakawedzera fuma yako noʋucenjeri bgako ʋukuru ʋuye nokushambadzira kwako, mŋoyo wako ukaɀikudza nokuɗa kwefuma yako;

6 naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ɀawakamisa mŋoyo wako somŋoyo waMŋari,

7 naiɀoɀo tarira, ndinoʋuyisa ʋatorwa pamsoro pako, iʋo ʋanotyisa pakati pamarudzi ose; ʋacavomorera kunaka kwoʋucenjeri bgako minondo yaʋo, ʋacaȿiɓisa kubginya kwako.

8 Ʋacakuɓurusira kugomba; ucafa norufu rwaʋanoʋurawa mumŋoyo wamakuŋgwa.

9 Ko uŋgazoreʋa pamberi pounokuʋuraya, uciti: Ndiri Mŋari? Asi uri munhu, hauzi Mŋari, muruʋoko rwaiye unokukuʋadza.

10 Ucafa norufu rwousina‐kudziŋgiswa namaʋoko aʋatorwa; nokuti ndini ndakataura iɀoɀo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

11 Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

12 Mŋanakomana womunhu, itira mambo weTire mariro, uti kwaari: Ɀanzi naShe Jehova: Iwe wokuisa cisimbiso cako paciyero, uzere noʋucenjeri, wakakwana pakunaka.

13 Wakaŋga uri paEdeni, mumunda waMŋari; wakaŋga wakafukidzwa namabge anokosha amarudzi ose, anoti, sardio netopasi nedaimani neberiri, neoniksi nejaspiri nesafiri nesmaragdino nekarbunkuri; ŋgoma dzako nenyere dzako dzakaŋga dzakaitwa nendarama mukati mako, ɀakagadzirwa nezuʋa rokusikwa kwako.

14 Iwe wakaŋga uri kerubi rakazodzwa, raifukidzira areka, ndikakugadza ukaʋa pamsoro pegomo dɀene raMŋari; waifamba‐famba pakati pamabge omŋoto.

15 Wakaŋga wakakwana panzira dzako kubva pazuʋa rokusikwa kwako, kuȿikira kusarurama kwakawanikwa mukati mako.

16 Nokuwanda kwokushambadzira kwako ʋakazadza mukati mako nokuita nesimba, ukatadza; naiɀoɀo ndakakudziŋga pagomo raMŋari ndiciti uri cinhu cinomhurwa, ndikakuparadza, iwe kerubi raifukidzira areka, ndikakubvisa pakati pamabge omŋoto.

17 Mŋoyo wako wakaɀikudza nokuɗa kwokunaka kwako; wakaʋodza ʋucenjeri bgako nokuɗa kwokubginya kwako; ndakakuwisira pasi, ndakakuisa pamberi pamadzimambo kuti ʋakuʋone.

18 Nokuwanda kweɀakaipa ɀako, nokusarurama kwokushambadzira kwako, wakamhura nɀimbo dzako tȿene; naiɀoɀo ndakaɓuɗisa mŋoto mukati mako; wakakupedza, ndikakushandura ukaʋa maɗota panyika pamberi paʋose ʋanokuʋona.

19 Ʋose, ʋanokuziʋa pakati pamarudzi aʋanhu, ʋacashamiswa pamsoro pako; waʋa cinhu cinotyisa, hauŋgazoʋi cinhu nokusiŋgaperi.


Cireʋo pamsoro peSidoni.

20 Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti:

21 Mŋanakomana womunhu, rinzira ciso cako kurutiʋi rweSidoni, uprofite pamsoro paro,

22 uti: Ɀanzi naShe Jehova: Tarira, ndinemhaka newe, iwe Sidoni; ndicakudzwa mukati mako; ʋanhu ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, neŋguʋa yandinoita mukati maro iɀo ɀandakatoŋga, ndiciitwa mutȿene mukati maro.

23 Nokuti ndicatuma hosha yakaipa mukati maro, neropa munzira dzaro; ʋakakuʋadzwa ʋacawira pasi mukati maro, kana munondo uciʋuya pamsoro paro kumatiʋi ose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.

24 Hapacazoʋi norukato runoɓaya imba yaIsraeri, kana munzwa unokuʋadza pakati paʋaiʋakomberedza, ʋaiʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Ishe Jehova.

25 Ɀanzi naShe Jehova: Neŋguʋa yandineŋge ndaʋuŋganidza imba yaIsraeri kumarudzi aʋanhu kwaʋakaŋga ʋakaparadzirwa, ndikaitwa mutȿene pakati paʋo pamberi pamarudzi, neŋguʋa iyo ʋacagara munyika yaʋo yandakapa muranda waŋgu Jakobo.

26 Ʋacagara’mo ʋakaceŋgetwa; ɀirokwaɀo, ʋacaʋaka dzimba, nokusima minda yemizambiriŋga, ʋacagara ʋakaceŋgetwa, kana ndaita ɀandakatoŋga pamsoro paʋose ʋakaʋapoteredza ʋanoʋashoʋora; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova Mŋari waʋo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy