Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Kuɗanwa kwaEzekieri.

1 Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, mira namakumbo ako, ini nditaure newe.

2 Ɀino wakati acitaura neni, Mŋeya ndokupinda mukati maŋgu, akandimisa namakumbo aŋgu; ndikanzwa wakaŋga acitaura neni.

3 Iye akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, ndinokutumira kuʋana ʋaIsraeri, kumarudzi anomukira simba, akandimukira simba ini; iʋo namadziɓaɓa aʋo ʋakandiɗarikira, kuȿikira zuʋa ranhasi.

4 Ʋana ʋaneɀiso ɀisinokunyara nemŋoyo mikukutu; ndinokutumira kwaʋari, iwe uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova.

5 Ɀino iʋo, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi (nokuti iʋo iimba inondimukira simba), ʋacaziʋa kuti muprofita wakaŋga ari’po pakati paʋo.

6 Asi iwe, mŋanakomana womunhu, usaʋatya iʋo, usatya mashoko aʋo, kunyaŋge uri pakati porukato neminzwa, ugere pakati peɀinyaʋaɗa; usatya mashoko aʋo, usavunduswa neɀiso ɀaʋo, nokuti iʋo iimba inondimukira simba.

7 Asi iwe unofanira kuʋaʋudza mashoko aŋgu, kana ʋaciɗa kunzwa, kana ʋasiŋgaɗi; nokuti ʋanondimukira simba kwaɀo.

8 Asi iwe, mŋanakomana womunhu, terera ɀandinokuʋudza; usandimukira simba, seɀinondimukira imba iyo; shamisa muromo wako udye ɀandicakupa.

9 Ɀino ndakati ndicitarira, ndikaʋona ruʋoko rwakatambanudzirwa kwandiri; tarira, buku yakapetwa yakaŋga iri’mo;

10 akaipetenura pamberi paŋgu; yakaŋga yakanyorwa mukati nokunze, makaŋga makanyorwa mariro, nokucema, nenhamo.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy