Ezekieri 12 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Muprofita unofananidzira kutapxa kwomucinda naʋanhu. 1 Ɀino shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 2 Mŋanakomana womunhu, ugere pakati paʋanhu ʋeimba inondimukira simba, ʋanameso okuʋona, asi haʋaʋoni, ʋanenzeʋe dzokunzwa, asi haʋanzwi; nokuti iimba inondimukira simba. 3 Naiɀoɀo iwe mŋanakomana womunhu, ɀiroŋgedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, ʋaciɀiʋona; unofanira kutama ucibva panɀimbo yako ucienda kuneimŋe nɀimbo, ʋaciɀiʋona; ɀimŋe ʋaŋgazofuŋga, kunyaŋge iri imba inondimukira simba. 4 Unofanira kuɓuɗisa nhumbi dzako masikati ʋaciɀiʋona, dziite senhumbi dzokutama nadzo; ɀino maɗekwana iwe umene unofanira kuɓuɗa ʋaciɀiʋona, seɀinoita ʋanhu kana ʋotama. 5 Ɀino uɓoʋore ruȿiŋgo ʋaciɀiʋona, uɓuɗise nhumbi dzako napo. 6 Unofanira kudzitakura pafudzi rako ʋaciɀiʋona, ndokudziɓuɗisa kwaȿiɓa; unofanira kufukidza ciso cako, kuti urege kuʋona ɀenyika; nokuti ndakakuita ciratidzo kuimba yaIsraeri. 7 Ini ndikaita seɀandakarairwa; ndakaɓuɗisa nhumbi dzaŋgu masikati, dzakaita senhumbi dzokutama nadzo, maɗekwana ndikaɓoʋora ruȿiŋgo noruʋoko rwaŋgu; ndakadziɓuɗisa kwaȿiɓa, ndikadzitakura pafudzi raŋgu ʋaciɀiʋona. 8 Ɀino maŋgwanani shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 9 Mŋanakomana womunhu, imba yaIsraeri, iyo imba inondimukira, haʋana‐kuti kwauri: Unoiteiko? 10 Uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Cireʋo ici cinoreʋa mucinda weJerusarema neimba yose yaIsraeri iri pakati paʋo. 11 Uti: Ndini ciratidzo cenyu; seɀandakaita ini, ndiɀo ɀaʋacaitirwa iʋo; ʋacatama ʋacitapxa. 12 Mucinda uri pakati paʋo ucatakura nhumbi dzake pafudzi rake kwaȿiɓa, ndokuɓuɗa; ʋacaɓoʋora ruȿiŋgo kuti ʋadziɓuɗise napo; ucafukidza meso ake, nokuti haaŋgaʋoni nyika nameso ake. 13 Ndicakanda ʋo mumbure waŋgu pamsoro pake, ucaɓatwa mumusuŋgo waŋgu; ndicamuisa Babironi kunyika yaʋaKardea; asi haaŋgaiʋoni, kunyaŋge ɀakaɗaro ucafira’ko. 14 Ndicaparadzira kumhepo dzose ʋose ʋakamupoteredza ʋaŋgamuɓatsira, namapoka ake ose ndicaavomorera munondo ndiciʋateʋerera. 15 Ipapo ʋacaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋadziŋgira pakati pamarudzi, nokuʋaparadzira kunyika dzose. 16 Asi ndicapukunyusa ʋashoma ʋaʋo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti ʋandoparidza pakati pamarudzi kwaʋanoȿika ɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova. 17 Shoko raJehova rakaȿika ʋo kwandiri, riciti: 18 Mŋanakomana womunhu, idya ɀokudya ɀako nokubvunda nokunwa mvura yako nokuɗeɗera nokutya; 19 uti kuʋanhu ʋenyika iyi: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋagere Jerusarema nenyika yaIsraeri: Ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ʋacitya nokunwa mvura yaʋo ʋacikaŋganiswa, kuti nyika yaro iitwe ɗoŋgo, yatorerwa ɀose ɀayo, nemhaka yokuita nesimba yaʋose ʋanogara’mo. 20 Maguta anogarwa naʋanhu acaparadzwa, nenyika icaitwa ɗoŋgo; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova. Ʋaprofita ʋenhema ʋanotukwa. 21 Shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti: 22 Mŋanakomana womunhu, shumo ndeyeiko yamunayo munyika yaIsraeri, inoti: Mazuʋa anoramba aciwedzerwa, asi ɀakaʋoneswa ɀose haɀiitiki? 23 Naiɀoɀo ʋaʋudze, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicagumisa shumo iyi, haʋaŋgazoɓati nayo iri shumo pakati paIsraeri; asi uti kwaʋari: Mazuʋa aʋa pedyo nokuitika kweɀose ɀakaʋoneswa. 24 Nokuti pakati peimba yaIsraeri hapaŋgazoʋi kuʋoneswa kwenhema kana kuʋuka kunoɓata kumeso. 25 Nokuti ndini Jehova; ndicataura, neshoko randicataura ricaitika, hariŋgazononoswi; nokuti pamazuʋa enyu, iwe imba inondimukira simba, ndicataura shoko nokuriita ʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. 26 Shoko raJehova rakaȿika ɀe kwandiri, riciti: 27 Mŋanakomana womunhu, tarira, ʋeimba yaIsraeri ʋanoti: Ɀaakaʋoneswa ndeɀamazuʋa ari kure anozoʋuya, unoprofita ɀeŋguʋa dziri kure. 28 Naiɀoɀo uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Hakuneshoko rimŋe ramashoko aŋgu ricazononoswa, asi shoko randicataura ricaitika — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society