Online Bible

- Reklamy -

Ezekieri 11 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋakuru ʋeJerusarema ʋanotukwa.

1 Ɀino Mŋeya wakandisimudza, ndokundiisa kusuʋo ramabvazuʋa reimba yaJehova, raitarira kumabvazuʋa; ndikaʋona pamukoʋa wesuʋo ʋarume ʋanamakumi maʋiri naʋashanu, ndikaʋona pakati paʋo Jaazania mŋanakomana waAzuri, naPeratia mŋanakomana waBenaia, macinda aʋanhu.

2 Akati kwandiri: Mŋanakomana womunhu, aʋa ndiʋo ʋarume ʋanofuŋga ɀakaipa, ʋanorairira mano akaipa muguta rino;

3 ʋanoti: Ŋguʋa icigere kusweɗera yokuʋaka dzimba, guta rino igate, isu tiri nyama.

4 Naiɀoɀo ciʋaprofitera, mŋanakomana womunhu, ciprofita.

5 Ipapo Mŋeya waJehova wakawira pamsoro paŋgu, akati kwandiri: Taura, uti: Ɀanzi naJehova: Ndiɀo ɀamakataura, imi imba yaIsraeri; nokuti ndinoziʋa ɀamunofuŋga mumiraŋgariro yenyu.

6 Makawanza ʋamakaʋuraya muguta rino, makazadza nzira dzaro naʋakaʋurawa.

7 Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ʋamakaʋuraya, ʋamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi mucaɓuɗiswa mukati maro.

8 Makatya munondo; ini ndicaʋuyisa munondo pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

9 Ini ndicakuɓuɗisai mukati maro, ndicakuisai mumaʋoko aʋatorwa, ndicaita ɀandakatoŋga pakati penyu.

10 Mucaʋurawa nomunondo; ndicakutoŋgai munyika yaIsraeri: ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.

11 Guta rino hariŋgaʋi gate renyu, nemi hamuŋgaʋi nyama mukati maro; ndicakutoŋgai munyika yaIsraeri.

12 Ipapo mucaziʋa kuti ndini Jehova, nokuti hamuna‐kufamba nemitemo yaŋgu kana kuita ɀandakaraira, asi makateʋera mirairo yamarudzi anokupoteredzai.

13 Ɀino ndakati ndiciprofita, Peratia mŋanakomana waBenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi neciso caŋgu, ndikacema nenzwi guru ndiciti: Haiwa, Ishe Jehova! Moɗa kupedza cose ʋakasara ʋaIsraeri here?

14 Ɀino shoko raJehova rakaȿika kwandiri, riciti:

15 Mŋanakomana womunhu, hama dzako, idzo hama dzako, ʋanhu ʋorudzi rwako, neimba yose yaIsraeri, iʋo ʋose, ndiʋo ʋakanzi naʋagere Jerusarema: Ibvai kure naJehova, nyika ino yakapiwe’su, iʋe yeɗu.

16 Naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ɀandakaʋabvisa, ndikaʋaisa kure pakati pamarudzi, ʋuye ɀandakaʋaparadzira pakati penyika, ndicaʋa kwaʋari nɀimbo tȿene ŋguʋa ɗuku kunyika idzo kwaʋakaenda kwadziri;

17 naiɀoɀo uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicakuʋuŋganidzai mubve pakati pamarudzi, ndicakukokerai mubve panyika kwamakaparadzirwa, ndigokupai nyika yaIsraeri.

18 Ʋacadzokera’ko nokubvisa’mo ɀose ɀayo ɀinosemesa neɀose ɀayo ɀinonyaŋgadza.

19 Ndicaʋapa mŋoyo mumŋe, nokuisa mŋeya mutȿa mukati menyu; ndicabvisa mŋoyo webge munyama yaʋo, ndokuʋapa mŋoyo wenyama;

20 kuti ʋafambe nemitemo yaŋgu, ʋaceŋgete ɀandakaraira nokuɀiita; iʋo ʋacaʋa ʋanhu ʋaŋgu, neni ndicaʋa Mŋari waʋo.

21 Asi kana ʋari iʋo, ʋanemŋoyo inoteʋera mŋoyo yeɀinhu ɀaʋo ɀinosemesa neɀinonyaŋgadza, ndicaʋuyisa ɀaʋakaita pamisoro yaʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.

22 Ipapo makerubi akasimudza mapapiro awo, namakumbo eŋgoro akaŋga ari pamatiʋi awo; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwaʋo.

23 Kubginya kwaJehova ndokukwira kucibva mukati meguta, ndokumira pamsoro pegomo riri kumabvazuʋa eguta.

24 Ipapo Mŋeya wakandisimudza ndokundiisa Kardea kunaʋakatapxa, ndiciɀiʋoneswa noMŋeya waMŋari. Ɀino ciratidzo candakaŋga ndaʋona cakakwidzwa cicibva kwandiri.

25 Ipapo ndakaʋudza ʋakatapxa ɀinhu ɀose ɀandakaratidzwa naJehova.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy