Ezekieri 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Makerubi nokubginya kwaJehova. 1 Ɀino ndakatarira, ndikaʋona paɗeŋga rakaŋga riri pamsoro pemisoro yamakerubi cinhu cakaʋonekwa pamsoro pawo cakaita sebge resafire, cakaŋga cakafanana necigaro coʋushe. 2 Akataura nomunhu wakaŋga akafuka muceka, akati: Pinda pakati pamakumbo anomonereka, imo munyasi mekerubi, uzadze maʋoko ako ose namazimbe anobva pakati pamakerubi, uakushe pamsoro peguta. Iye akapinda, ini ndiciɀiʋona. 3 Ɀino makerubi akaŋga amire parutiʋi rworudyi rweimba, paŋguʋa yokupinda kwomurume uyu; gore rikazadza ruʋazhe rwomukati. 4 Kubginya kwaJehova kukakwira kucibva pakerubi, kukamira pamsoro pecikumbaridzo ceimba, imba ikazadzwa negore, noruʋazhe rwakazara ʋo nokupenya kwokubginya kwaJehova. 5 Mubvumo wamapapiro amakerubi wakanzwika kuȿikira kuruʋazhe rwokunze, senzwi raMŋari Wamasimba‐ose, kana acitaura. 6 Ɀino wakati araira murume wakaŋga akafuka muceka, aciti: Tora mŋoto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubi, akapinda, akandomira parutiʋi rwerimŋe gumbo. 7 Kerubi rikatambanudzira ruʋoko rwaro ruciɓuɗa napakati pamakerubi kumŋoto wakaŋga uri pakati pamakerubi, rikatora’po mŋoto ndokuuisa muruʋoko rwowakaŋga akafuka muceka, iye ndokuutora ndokuɓuɗa. 8 Ɀino mukati mamakerubi makaʋonekwa cakafanana noruʋoko rwomunhu pasi pamapapiro awo. 9 Ɀino ndakatarira, ndikaʋona makumbo manna eŋgoro pamatiʋi amakerubi, rimŋe gumbo kurutiʋi rwekerubi rimŋe, nerimŋe gumbo kurutiʋi rwerimŋe kerubi; pakuʋonekwa kwawo makumbo akaŋga akaita sebge reberiri. 10 Pakuʋonekwa kwawo ose ari manna akaŋga akafanana, ɀakaita segumbo rimŋe reŋgoro mukati merimŋe gumbo reŋgoro. 11 Pakufamba kwawo akafamba kumatiʋi awo manna; haana‐kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakaŋga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana‐kutsauka pakufamba kwawo. 12 Muʋiri wawo wose, nemisana yawo, namaʋoko awo, namapapiro awo, namakumbo eŋgoro, ɀakaŋga ɀizere nameso kumatiʋi ose, pamakumbo awo ose ari manna. 13 Kana ari makumbo, ndakanzwa acitumidzwa ɀinomonereka. 14 Rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀinna; ciso cokutaŋga cakaŋga ciri ciso cekerubi, ciso cecipiri cakaŋga ciri ciso comunhu, cecitatu ciso ceshumba, nececinna ciso cegondo. 15 Ɀino makerubi ndokubururuka acikwira; ndico cipenyu candakaʋona parwizi Kebari. 16 Ɀino kana makerubi ofamba, makumbo eŋgoro ofamba kurutiʋi rwawo; kana makerubi aciŋge osimudza mapapiro awo aciɗa kubururuka acibva panyika, namakumbo awo ʋo haana‐kubva kurutiʋi rwawo. 17 Kana omira naiwo omira ʋo; kana obururuka acikwira naiwo obururuka ʋo acikwira nawo; nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mukati mawo. 18 Ipapo kubginya kwaJehova kwakaɓuɗa pacikumbaridzo ceimba, ndokumira pamsoro pamakerubi. 19 Makerubi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubururuka acibva panyika, ini ndiciaona aciɓuɗa, anamakumbo eŋgoro pamatiʋi awo; akamira pamukoʋa wesuʋo rokumabvazuʋa reimba yaJehova; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwawo. 20 Ndico cipenyu candakaʋona panyasi paMŋari waIsraeri parwizi rwaKebari; ndikaziʋa kuti makerubi. 21 Rimŋe nerimŋe rakaŋga rineɀiso ɀinna, nerimŋe nerimŋe rakaŋga rinamapapiro manna; pasi pamapapiro awo pakaŋga paneɀakafanana namaʋoko omunhu. 22 Kana ɀiri ɀiso ɀaʋo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀakaŋga ɀiri ɀiso ɀiya ɀandakaʋona parwizi rwaKebari, pakuʋonekwa kwaɀo naiɀo ɀimene; rimŋe nerimŋe rairuramira mberi pakufamba kwaro. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society