Estere 7 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Hamani unosuŋgirirwa. 1 Ɀino mambo naHamani ʋakaȿika pamafundo aʋahosi Estere. 2 Mambo akati ɀe kunaEstere pazuʋa recipiri, pamafundo ewaini: Cinyiko caunonyeŋgetera, ʋahosi Estere? Ucacipiwa. Unokumbireiko? Ɀicaitwa, kunyaŋge ucikumbira hafu yoʋushe bgaŋgu. 3 Ipapo ʋahosi Estere ʋakapindura ʋakati: Kana ndiciŋge ndanzwirwa tsitsi nemi mambo, kana mambo acifara naɀo, ndinokumbira kuti ndipiwe ʋupenyu bgaŋgu nokuɗa kwokunyeŋgetera kwaŋgu, nobgaʋanhu ʋaŋgu nokuɗa kwokukumbira kwaŋgu; 4 nokuti tateŋgeswa, ini naʋanhu ʋaŋgu, kuti tiparadzwe, tiʋurawe, tipedzwe. Ƌai takaŋga tateŋgeswa tiʋe ʋaranda naʋashandiri, ndiŋgaɗai ndanyarara haŋgu, nokuti kutambudzika kweɗu hakuŋgaenzaniswi nokutadzirwa kwamambo. 5 Ipapo mambo Ahashveroshi akapindura, akati kunaʋahosi Estere: Ndianiko, uripi iye wakafuŋga mumŋoyo make kuita iɀoɀo? 6 Estere akati: Mudziʋisi nomuʋeŋgi, ndiye Hamani uyu wakaipa! Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo naʋahosi. 7 Mambo akasimuka pamafundo ewaini akatsamŋa, akaenda kumunda weimba yamambo; Hamani akasimuka ʋo kuzokumbira ʋupenyu bgake kunaʋahosi Estere, nokuti wakaʋona kuti mambo wakafuŋga kumuitira ɀakaipa. 8 Ipapo mambo wakadzoka acibva pamunda weimba yamambo akapinda panɀimbo yamafundo ewaini; ɀino Hamani wakaŋga aɀiwisira pacigaro pakaŋga pagere Estere. Mambo akati: Ɀino wotoɗa kucinya ʋahosi muno mumba pamberi paŋgu kanhi? Ɀino shoko iro rakati raɓuɗa mumuromo wamambo, ʋakafukidza ciso caHamani. 9 Ipapo Harbona, mumŋe muranda wakaŋga ari pamberi pamambo, akati: Tarirai, paimba yaHamani pamire matanda akareɓa anamakubiti makumi mashanu, akamiswa naHamani, kuti asuŋgirire’po Mordekai, wakataura ɀakanaka nokuɗa kwamambo. Mambo akati: Musuŋgirirei’po paari. 10 Naiɀoɀo ʋakasuŋgirira Hamani pamatanda aakagadzirira Mordekai. Ipapo kutsamŋa kwamambo kwakanyarara. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society