Online Bible

- Reklamy -

Estere 4 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Estere unoreʋerera ʋaJuda panamambo Ahashveroshi.

1 Ɀino Mordekai wakati acinzwa ɀose ɀaitwa, Mordekai ndokubvarura ŋguʋo dzake, akafuka magumbu nokuisa maɗota pamusoro wake, akapinda pakati peguta, akacema nokucema kukuru kunorwadza mŋoyo;

2 akaȿika ʋo pamberi pesuʋo ramambo; nokuti wakafuka magumbu haana‐kutenderwa kupinda pasuʋo ramambo.

3 Naparutiʋi rumŋe norumŋe rwenyika pose pakaȿika murairo wamambo necireʋo cake, pakaŋga pano‐kucema kukuru pakati paʋaJuda, nokuɀinyima ɀokudya, nokucema misodzi, nokuwuŋgudza; ʋazhinji ʋakaʋata pasi ʋakafuka magumbu nokuɀiisa maɗota pamisoro.

4 Ɀino ʋasikana ʋaEstere naʋaranda ʋake ʋakandomuʋudza iɀoɀo; ʋahosi ʋakaɓatwa neshuŋgu kwaɀo, ʋakatumira Mordekai ŋguʋo, kuti adzifuke, abvise magumbu; asi wakaramba kudzigamucira.

5 Ipapo Estere akaɗana Hataki, mumŋe waʋaranda ʋamambo, waakaŋga araira kumuɓatira, akamuraira kuti aende kunaMordekai kundonzwa kuti cinyi, ʋuye mhaka yeiko.

6 Ipapo Hataki akaenda kunaMordekai paɗare reguta, rakaŋga riri pamberi pesuʋo ramambo.

7 Mordekai akamuʋudza ɀose ɀaakaitirwa, nokuwanda kwemari yakanzi naHamani kuti ucaiisa muɀiʋigiro ɀamambo kuti ʋaJuda ʋaparadzwe.

8 Akamupa ʋo mashoko orunyoro rwecireʋo cakaŋga catemŋa paShushani cokuti ʋaparadzwe, kuti aciratidze Estere nokumuziʋisa iɀoɀo; akamuraira ʋo kuti apinde kunamambo amunyeŋgetere nokukumbirira ʋanhu ʋake kwaari.

9 Hataki akandoʋudza Estere mashoko aMordekai.

10 Ipapo Estere akataura naHataki, akamupa shoko rokundoʋudza Mordekai, akati:

11 Ʋaranda ʋose ʋamambo naʋanhu ʋamatiʋi enyika dzamambo ʋanoziʋa kuti aninani, kunyaŋge murume kana mukadzi, kana akapinda kunamambo muruʋazhe rwomukati asina‐kuɗanwa, kunoŋgoʋa nomurau mumŋe woga kwaari, kuti aʋurawe; asi kana mambo akamutambunudzira tȿimbo yendarama, ucararama hake; asi ini handina‐kuɗanwa kuti ndipinde kunamambo mazuʋa ano anamakumi matatu.

12 Ʋakaʋudza Mordekai mashoko aEstere.

13 Ipapo Mordekai akaʋaraira kuti ʋapindure Estere, ʋati: Usati iwe ucapukunyuka mumba mamambo kupfuʋura ʋamŋe ʋaJuda ʋose.

14 Nokuti kana iwe ukanyarara cose neŋguʋa ino, ʋaJuda ʋacaɓatsirwa nokurwirwa nomumŋe mutoʋo, asi iwe neimba yaɓaɓa ʋako mucaparadzwa; handiti, ɀimŋe wakaȿika paʋushe nokuɗa kweŋguʋa ineŋge seino here?

15 Ipapo Estere akaraira kuti ʋapindure Mordekai, ʋati:

16 Endai mukokere ʋaJuda ʋose ʋari paShushani, muɀinyime ɀokudya nokuɗa kwaŋgu; regai kudya kana kunwa mazuʋa matatu, ʋusiku namasikati; neni ʋo naʋasikana ʋaŋgu ticaɀinyima ɀokudya saiɀoɀo; ipapo ndicapinda kunamambo, kunyaŋge ɀisina‐kutenderwa nomurau; kana ndikaparara, ndaparara haŋgu.

17 Naiɀoɀo Mordekai akaenda hake akandoita ɀose ɀaakarairwa naEstere.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy