Online Bible

- Reklamy -

Estere 10 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋukuru bgaMordekai.

1 Ɀino mambo Ahashveroshi wakateresa nyika, neɀiwi ɀeguŋgwa.

2 Ɀino maɓasa ake ose ecikuriri, nesimba rake, ʋuye ɀose ɀoʋukuru bgaMordekai, bgaakakudzwa nabgo namambo, haɀina‐kunyorwa here pabuku yamakoronike amadzimambo eMedia nePersia?

3 Nokuti Mordekai muJuda wakaŋga ari wecipiri paʋushe aciteʋera mambo Ahashveroshi; waiʋa mukuru pakati paʋaJuda, akaɗikanwa naʋazhinji ʋehama dzake; waitȿakira ʋanhu ʋake ɀakanaka, acitaurira rudzi rwake rwose ɀorugare.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy