1 Timoti 5 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)Ʋatana necirikadzi. 1 Usatuka mukuru, asi umuraire saɓaɓa, naʋaɗuku saʋanuŋuna, 2 naʋakadzi ʋakuru samadzimai, naʋaɗuku sehanɀadzi nokucena kwomŋoyo kwose. 3 Kudza cirikadzi, dziri cirikadzi caidzo. 4 Asi kana cirikadzi inaʋana kana ʋazukuru, ŋgaʋataŋge iʋo kudzidza kunamata Mŋari paimba yaʋo, ʋadzosere ɀakafanira kuʋaɓereki ʋaʋo, nokuti ndiɀo ɀinofadza Mŋari. 5 Ɀino kana iri cirikadzi caiyo, yakasiyiwa iri yoga, ndiyo inoʋimba naMŋari, inogara icikumbira nokunyeŋgetera ʋusiku namasikati. 6 Asi iyo inokarira ɀinofadza, yakafa iciri mhenyu. 7 Raira ʋo ɀinhu iɀi, kuti ʋarege kuʋa necaʋaŋgapomerwa. 8 Asi kana munhu asiŋgaceŋgeti ʋokwake, ɀikuru ʋeimba yake, warasha kutenda, wakaipa kukunda usiŋgatendi. 9 Cirikadzi ŋgairege kunyorwa zita, asi kana yaȿika makore makumi matanhatu, yaiʋa mukadzi womurume mumŋe cete, 10 inorumbidzwa pamsoro pamaɓasa akanaka, kana yakarera ʋana, kana yaifarira ʋaeni, kana yaishambidza tsoka dzaʋatȿene, kana yaiɓatsira ʋari munjodzi, kana yaishiŋgairira maɓasa ose akanaka. 11 Asi urambe cirikadzi kana ʋaciri ʋakadzi ʋaɗuku, nokuti kana dzopesana naKristu, dzotȿaka kuwanikwa; 12 dzaʋa nemhoȿa, nokuti dzaramba kutenda kwokutaŋga; 13 ʋuye ɀe, dzinodzidza kuʋa noʋusimbe dzicipota nedzimba; hadzizi simbe ɓedzi, asi ʋaiti ʋo ʋamakuhwa, dzisiŋgaregi ɀaʋamŋe, dzicitaura ɀisakafanira. 14 Naiɀoɀo ndinoɗa kuti cirikadzi ɗuku dziwanikwe, dziɓereke ʋana, dziceŋgete dzimba dzadzo, kuti dzirege kutoŋgopa muʋeŋgi nzira yokupomera nayo. 15 Nokuti ʋamŋe ʋatotsauka ʋaciteʋera Satani. 16 Kana mukadzi mutendi anecirikadzi, ŋgaadziɓatsire, kereke irege kuremedzwa, kuti igoɓatsira cirikadzi caidzo. Ʋakuru ʋanoɓata naʋanodzidzisa. 17 Ʋakuru ʋanoɓata kereke ɀakanaka ŋgaʋanzi ʋanofanirwa nokukudzwa kaʋiri, ɀikuru aʋo ʋanoɓata pashoko napakudzidzisa. 18 Nokuti Rugwaro runoti: Usasuŋga muromo wenzombe inopura; ʋuye ɀe: Muɓati wakafanirwa nomuɓairo wake. 19 Usaŋgotenda mhaka inopomerwa mukuru, asi kana icibʋa pamiromo yeɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu. 20 Ʋanotadza uʋaraŋge pamberi paʋose, kuti ʋamŋe ʋagotya. 21 Ndinokuraira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, naʋatumŋa ʋakasanaŋgurwa, kuti uceŋgete ɀinhu iɀi usiŋgatoŋgi usati wambonzwa kwaɀo, kana kuita cinhu ucitsaura ʋanhu. 22 Usakurumidza kuisa maʋoko pamsoro pomunhu, kana kusoŋgana paɀiʋi ɀaʋamŋe; uɀiceŋgete kuti uʋe wakacena. 23 Usaramba uciŋgonwa mvura ɓedzi, asi unwe waini shoma nokuɗa kwomuɗumbu mako noʋutera bgako bguzhinji. 24 Ɀiʋi ɀaʋamŋe ʋanhu ɀinoʋonekwa pacena, ɀinotuŋgamirira kutoŋgwa kwaʋo, ʋamŋe ɀe ʋanoteʋerwa naɀo 25 Saiɀoɀo ʋo kunamaɓasa akanaka anoʋonekwa pacena, naasina‐kuɗaro haaŋgaʋanzwi. |
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018
British & Foreign Bible Society