Online Bible

- Reklamy -

1 Timoti 2 - Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)


Ʋanhu ʋose ŋgaʋanyeŋgetererwe.

1 Naiɀoɀo pakutaŋga kweɀose ndinoraira kuti ʋanhu ʋose ʋakumbirirwe, ʋanyeŋgetererwe, ʋareʋererwe, ʋaʋoŋgerwe;

2 madzimambo, naʋose ʋari ʋakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mŋari kwose, nomugarire unokudzwa.

3 Ndiɀo ɀakanaka, ɀinofadza pamberi paMŋari, Muponesi weɗu;

4 uyo unoɗa kuti ʋanhu ʋose ʋaponeswe, ʋaȿike pakuziʋa ɀokwaɗi.

5 Nokuti kunoŋgoʋa naMŋari mumŋe cete, noMureʋeri mumŋe cete ʋo, pakati paMŋari naʋanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,

6 wakaɀipa iye, kuti aʋe rudzikinuro rwaʋose, ciʋe capupu paŋguʋa dzaɀo,

7 ico candakaitirwa muparidzi nomuapostora (ndinoreʋa ɀirokwaɀo, handireʋi nhema), nomudzidzisi waʋahedeni pakutenda neɀokwaɗi.


Ɀinofanira kuita ʋakadzi.

8 Naiɀoɀo ndinoɗa kuti ʋarume ʋanyeŋgetere panɀimbo dzose, ʋacisimudza maʋoko matȿene, ʋasinakutsamŋa nenharo.

9 Saiɀoɀo ʋo, kuti ʋakadzi ʋashoŋge ŋguʋo dzakafanira, ʋanokunyara nokuɀidzora; ʋasaʋa nevudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana ŋguʋo dzinodya mari zhinji;

10 asi ŋgaʋashoŋge maɓasa akanaka, seɀinofanira ʋakadzi ʋanoti tinonamata Mŋari.

11 Mukadzi ŋgaadzidze nokunyarara nokuɀiisa pasi kwose.

12 Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti aʋe nesimba pamsoro pomurume, asi ŋgaanyarare.

13 Nokuti Adama wakataŋga kuʋumbga, teʋere Eva;

14 naAdama haanakunveŋgerwa, asi mukadzi wakanyeŋgerwa akapinda pakuɗarika;

15 asi ucaponeswa nokuɓereka ʋana, kana ʋacirambira mukutenda noruɗo, noʋutȿene pamŋe cete nokuɀidzora.

© British and Foreign Bible Society 1949, 2018

British & Foreign Bible Society
Následuj nás:



Reklamy