Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 9 - Shona BIBLE


Kutongwa kwendudzi dzavanhu

1 Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasikosi ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri;

2 uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Taya neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo.

3 Taya rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.

4 Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.

5 Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.

6 “Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.

7 “Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.

8 Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu.”


Mambo weZioni noushe hwake hworugare

9 Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.

10 “Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”

11 “Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.

12 “Dzokerai kunhare imi vasungwa vane tariro; iko nhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.

13 Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.”

14 Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.

15 Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona eatari.

16 Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake; nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.

17 Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy