Zekaria 6 - Shona BIBLEChiratidzo chorusere, chengoro namabhiza 1 Zvino ndakaratidza meso anguzve, ndikatarira, ndikaona ngoro ina dzichibuda pakati pamakomo maviri; makomo iwayo akanga ari makomo endarira. 2 Ngoro yokutanga yakanga ina mabhiza matsvuku; ngoro yechipiri mabhiza matema; 3 ngoro yechitatu mabhiza machena, ngoro yechina mabhiza mapfumbu ane simba. 4 Ipapo ndakapindura, ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Zviiko izvi, ishe wangu?” 5 Mutumwa akapindura, akati kwandiri, “Izvezvi ndidzo mhepo ina dzokudenga, dzinobuda padzakanga dzimire pamberi paShe wenyika yose.” 6 Ngoro ina mabhiza matema inobudira kunyika yokumusoro; machena akaatevera; namapfumbu akabudira kunyika yezasi. 7 Ane simba akabudawo, akatsvaka kuenda kuti apote–pote nenyika yose; ikati, “Ibvai pano, mupote–pote nenyika yose.” 8 Ipapo akadanidzira kwandiri, akataura neni, achiti, “Tarira, vanoenda kunyika yokumusoro, vakanyaradza mweya wangu kunyika yokumusoro.” Korona pamusoro waJoshua 9 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, 10 “Tora vamwe kuna vakatapwa, vanoti Heridhai, naTobhiya, naJedhaia; uuye nezuva irero upinde mumba maJosiya mwanakomana waZefania, kwavakasvika vachibva Babhironi; 11 utore kwavari sirivha nendarama, uite korona, uidzike pamusoro waJoshua mwanakomana waJehozadhaki, Mupristi Mukukru; 12 utaure naye, uchiti, ‘Zvanzi naJehovha wehondo, tarira, murume ane zita rinonzi Davi; iye achakura panzvimbo yake, iye achavaka temberi yaJehovha; 13 ndiye achavaka temberi yaJehovha; iye achava noumambo, uye achagara pachigaro chake achibata ushe; achava mupristi pachigaro chake choushe; rangano yorugare ichava pakati pavo ivo vaviri. 14 Korona dzichava dzaHeremi, naTobhiya, naJedhaia, naHeni mwanakomana waZefania, chive chiyeudzo mutemberi yaJehovha.’ 15 “Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe