Online Bible

- Reklamy -

Zekaria 5 - Shona BIBLE


Chiratidzo chechitanhatu chorugwaro rwechimononorwa

1 Zvino ndakaratidza meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwechimononorwa ruchibhururuka.

2 Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwechimononorwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”

3 Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.

4 Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.”


Chiratidzo chechinomwe, chomukadzi akabata efa

5 Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, “Chiratidza meso ako zvino, uone chinobudapo.”

6 Ini ndikati, “Chiiko?” Iye akati, “Ichi ndicho chivi chavo panyika yose.” Akatizve, “Ndizvo zvavakaita panyika yose;”

7 (zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.

8 Akati, “Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati mebhasikiti [efa,] akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.”

9 Ipapo ndakaratidza meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vana mapapiro akafanana namapapiro ezimuda; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.

10 Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Vanondoisepiko bhasikiti?”

11 Iye akati kwandiri, “Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy