Zekaria 4 - Shona BIBLEChiratidzo chechishanu, chechigadziko chomwenje nemiorivhi miviri 1 Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akasvikazve, akandimutsa, somunhu anomutswa pahope dzake. 2 Akati kwandiri, “Unooneiko?” Ini ndikati, “Ndakatarira, ndikaona chigadzikiro chomwenje chendarama yose, chine hadyana yacho pamusoro pacho, nemwenje yacho minomwe iri pamusoro pacho; mwenje mumwe nomumwe uri pamusoro pacho une mbombi nomwe; 3 uye miti miviri yemiorivhi parutivi rwacho, mumwe kurutivi rworudyi rwehariyana, nomumwe kurutivi rworuboshwe.” 4 Ndikapindura ndikataura nomutumwa akanga achitaurirana neni, ndichiti, “Izvi zviiko, ishe wangu?” 5 Ipapo mutumwa akanga achitaurirana neni, akapindura, akati, kwandiri, “Hauzivi here kuti izvi zviiko?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.” 6 Ipapo akapindura, akataura neni, achiti, “Ndiro shoko raJehovha kuna Zerubhabheri, rinoti, ‘Hazviitwi nehondo kana nesimba, asi noMweya wangu,’ ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo. 7 Ndiwe aniko, iwe gomo guru? Pamberi paZerubhabheri uchaitwa bani, iye achabudisa ibwe rokumusoro, achidanidzira achiti, ‘Nyasha, nyasha ngadzive kwariri.’ ” 8 Zvino shoko raJehovha rakasvikazve kwandiri richiti, 9 “Maoko aZerubhabheri akateya nheyo dzeimba ino, maoko ake achaipedzisawo; ipapo iwe uchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akandituma kwauri. 10 “Nokuti ndiani akashora zuva rezvinhu zviduku? Nokuti achafara zvikuru, achaona tambo yokuyeresa muruoko rwaZerubhabheri; awa ndiwo meso aJehovha anofamba pose pose panyika yose. 11 “Ipapo ndakapindura, ndikati kwaari, ‘Ko miorivhi iyi miviri kurutivi rworudyi rwechigadziko nokurutivi rworuboshwe zvinoti kudiniko?’ ” 12 Ndikapindurazve rwechipiri, ndikati kwaari, “Ko matavi awa maviri nomuorivhi ari kumativi emiromo miviri, inodira mafuta endarama pairi, anoti kudiniko?” 13 Akandipindura, akati, “Hauzivi here kuti izvi zvinyiko?” Ini ndikati, “Kwete, ishe wangu.” 14 Zvino akati, “Ava ndivo vaviri vakazodzwa, vamire pamberi paShe wenyika yose.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe