Zekaria 10 - Shona BIBLEJehovha acharopafadza Judha naIsiraeri 1 Kumbirai kuna Jehovha mvura nenguva yemvura yokupedzisira, achavapa mvura inonaya kwazvo, mumwe nomumwe ave nezvinomera mumunda. 2 Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi. 3 Kutsamwa kwangu kwakamukira vafudzi, ndicharova mutungamiriri; nokuti Jehovha wehondo wakashanyira boka rake, iyo imba yaJudha, achavaita sebhiza rake rakanaka pakurwa. 4 Kwaari kuchabva ibwe rekona, kwaari mbambo, kwaari uta hwehondo, kwaari vabati vose pamwechete. 5 Vachava semhare dzinotsika vavengi vadzo pasi pakurwa mumatope enzira dzomumusha; vacharwa nokuti Jehovha anavo; vatasvi vamabhiza vachanyadziswa. 6 “Ndichasimbisa imba yaJudha, ndichaponesa imba yaJosefa, nokuvadzoserazve, nokuti ndichavanzwira nyasha; vachava savanhu vasina kurashwa neni; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo, ndichavanzwa. 7 VaEfuremu vachava semhare, mwoyo yavo ichafara savanhu vakabatwa newaini; zvirokwazvo vana vavo vachazviona, vakafara; mwoyo yavo ichafara muna Jehovha. 8 “Ndichavaridzira muridzo, ndivaunganidze; nokuti ndakavadzikinura; vachawanda sezvavaiwanda kare. 9 Ndichavakusha pakati pendudzi dzavanhu; vachandirangarira kunyika dziri kure; vachararama pamwechete navana vavo, vakadzoka. 10 Ndichavadzosazve panyika yeIjipiti, ndichavaunganidza ndichavabvisa paAsiria; ndichavasvitsa kunyika yeGireadhi neRebhanoni; vachashaiwa pokugara. 11 Achafamba nomugungwa rokutambudzika, acharova mafungu mugungwa, pakadzika pose muNairi pachapwa; kuzvikudza kweAsira kuchaderedzwa, tsvimbo youshe yeIjipiti ichabviswa. 12 Ndichavasimbisa muna Jehovha, vachafamba muzita rangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe