Online Bible

- Reklamy -

ƲaHeberu 8 - Shona BIBLE


Sungano yekare yapfuura, Kristu ndiye murevereri wesungano itsva

1 Zvino, shoko guru pana izvozvo zvatataura, ndiro kuti: Tino Mupristi Mukuru akadai akagara kurudyi rwechigaro choushe choUmambo kudenga;

2 iye mushumiri wezvinhu zvitsvene, nowetabhenakeri chaiyo, yakamiswa naIshe, isina kumiswa nomunhu.

3 Nokuti Mupristi Mukuru mumwe nomumwe akagadzwa, kuti abayire Mwari zvipo nezvibairo; naizvozvo naiye aifanira kuti ave nechaangabayirawo;

4 nokuti dai aiva panyika, angadai asina kuva mupristi, nokuti vapristi varipo, vanobayira Mwari zvipo sezvinorehwa nomurairo;

5 ivo vanoshumira mufananidzo nomumvuri wezvokudenga, sezvaakarayirwa iye Mosesi oda kuita tabhenakeri; nokuti akati, “Tarira, uite zvose nomufananidzo, wawakaratidzwa mugomo.”

6 Asi zvino akapiwa basa rakanyanya kunaka, sezvaari Murevereri wesungano inopfuura nokunaka, yakasimbiswa nezvipikirwa zvinopfuura nokunaka.

7 Nokuti dai iya yokutanga yakanga isina chaingapomerwa, yechipiri ingadai isina kutsvakirwa nzvimbo.

8 Nokuti anovapa mhosva, achiti, “Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Ishe, Andichaita nawo sungano itsva neimba yaIsiraeri, uye neimba yaJudha;

9 Isina kuita sesungano yandakaita namadzibaba avo, Pazuva randakabata ruoko rwavo, kuti ndivabudise munyika yeIjipiti; Nokuti havana kurambira musungano yangu, Neni ndakasava nehanya navo, ndizvo zvinotaura Ishe.

10 Nokuti ndiyo sungano yandichaita nemhuri yaIsiraeri Kana mazuva iwayo apfuura, ndizvo zvinotaura Ishe; Ndichaisa mirairo yangu pakufunga kwavo, Napamwoyo yavo ndichainyora, Ndichava Mwari wavo, Ivo vachava vanhu vangu;

11 Mumwe nomumwe haangazodzidzisi wokwake, Kana mumwe nomumwe hama yake, ichiti, ‘Ziva Ishe;’ Nokuti vose vachandiziva, Kubva kumuduku kusvikira kumukuru pakati pavo.

12 Nokuti ndichava nengoni nokusarurama kwavo, Nezvivi zvavo handichazozvirangariri.”

13 Zvaanoti: Sungano itsva, akasakadza yokutanga; zvino chinhu chosakara, chova chakare, choda kurova.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy