ƲaHeberu 11 - Shona BIBLEKutenda chinyi, vanhu vakakunda nokutenda 1 Zvino kutenda ndirwo rusimbiso rwezvinhu zvatinotarisira, nechiratidzo chezvinhu zvatisingaoni. 2 Nokuti naiko vanhu vakare vakapupurirwa zvakanaka. 3 Nokutenda tinonzwisisa kuti nyika dzakanatsorongedzwa nezwi raMwari, naizvozvo zvinhu, zvinoonekwa, hazvina kuitwa nezvinhu zvinoonekwa. 4 Nokutenda Abheri akabayira Mwari chibayiro chakanaka kune chaKaini; akapupurirwa nacho kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira zvipo zvake; naiko kutenda iye, kunyangwe afa hake, achangotaura nazvino. 5 Nokutenda Inoki akatorwa, kuti arege kuona rufu; akasaonekwa, nokuti Mwari akanga amutora; nokuti asati atorwa akapupurirwa kuti akanga achifadza Mwari. 6 Kana kusina kutenda hazvibviri kumufadza; nokuti anouya kuna Mwari, anofanira kutenda kuti iye aripo, uye kuti anopa vanomutsvaka mubairo wavo. 7 Nokutenda Nowa akati anyeverwa pamusoro pezvinhu zvichigere kuonekwa, akagadzira areka nokutya Mwari, kuti aponese mhuri yake; akapa nyika mhosva nazvo, akagara nhaka yokururama kunouya nokutenda. 8 Nokutenda Abhurahamu, akati adanwa, akateerera, akabuda, akaenda kunzvimbo yaakanzi achaipiwa ive nhaka yake; akabuda akaenda, asingazivi kwaanoenda. 9 Nokutenda akandogara somutorwa Munyika yeChipikirwa, sapanyika yavamwe, akagara mumatende naIsaka naJakobho, vadyi venhaka yechipikirwa chimwe pamwechete naye; 10 nokuti akanga achitarira guta rine nheyo, Mwari ari mhizha nomuvaki waro. 11 Nokutenda naiye Sara akapiwa simba rokutora mimba, kunyangwe akanga achembera, nokuti akati iye akamupikira akatendeka. 12 Saka kumunhu mumwe, akanga akaita sowafa, kwakabva vana vakaita senyenyedzi dzokudenga nokuwanda kwavo, uye sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa risingaverengwi. 13 Ivava vose vakafa vachitenda, vasina kupiwa zvipikirwa, asi vakazviona zviri kure, vakazvikwazisa, vakatenda kuti ivo vaeni navafambi panyika. 14 Nokuti vanotaura zvakadaro, vanoratidza kuti vanotsvaka nyika yavo chaiyo. 15 Nokuti kana vairamba vachifunga nyika iyo yavakabva kwairi, vangadai vawana nguva yokudzoka. 16 Asi zvino vanoda imwe inopfuura nokunaka, ndiyo yokudenga; naizvozvo Mwari haana nyadzi pamusoro pavo kuti aidzwe Mwari wavo; nokuti wakavagadzirira guta. 17 Nokutenda Abhurahamu, achiedzwa, akabayira Isaka; iye akanga agamuchira kwazvo zvipikirwa, akanga achibayira mwana wake wakaberekwa mumwe woga; 18 iye akanga audzwa, zvichinzi, “Muna Isaka vana vako vachatumidzwa; 19 nokuti wakati Mwari anogona kumutsa munhu kunyangwe kuvakafa; ndipapowo, kana tichitaura nomufananidzo, paakamudzoserwa.” 20 Nokutenda Isaka akaropafadza Jakobho naEsau pamusoro pezvinozoitwa. 21 Nokutenda Jakobho pakufa kwake akaropafadza mwanakomana mumwe nomumwe waJosefa; akanamata akasendamira pamusoro pomudonzvo wake. 22 Nokutenda Josefa, ofa, akataura zvokubuda kwavana VaIsiraeri, akavaraira pamusoro pamapfupa ake. 23 Nokutenda Mosesi pakuberekwa kwake akavanzwa navabereki vake mwedzi mitatu, nokuti vakaona kuti akanga ari mwana wakanaka; havana kutya murairo wamambo. 24 Nokutenda Mosesi akura, akaramba kunzi mwanakomana womukunda waFarao, 25 akati zviri nani kuitirwa zvakaipa pamwechete navanhu vaMwari pakufarira zvivi nguva duku; 26 akati kuzvidzwa kwaKristu ipfuma huru kupfuma kwose kweIjipiti; nokuti akatarira mubairo. 27 Nokutenda akabva Ijipiti, asingatyi kutsamwa kwamambo; nokuti akatsungirira somunhu anoona iye asingaonekwi. 28 Nokutenda, akavamba Pasika nokusasa ropa, kuti muurayi wamatangwe avarege ivo. 29 Nokutenda, vakayambuka Gungwa Dzvuku, sapanyika yakaoma; vaIjipiti vachiedza izvozvo, vakabitirirwa. 30 Nokutenda, masvingo eJeriko akawira pasi, apoteredzwa mazuva manomwe. 31 Nokutenda, Rakabhi chifeve, haana kufa pamwechete navasina kuteerera, nokuti akanga agamuchira vashori norugare. 32 Ndichataurireiko zvimwe? Nokuti ndichapererwa nenguva, kana ndikataura zvaGidheoni, naBharaki, naSamisoni, naJefita, naDhavhidhi, naSamueri, navaporofita; 33 avo vakakunda ushe nokutenda kwavo vakaita zvakarurama, vakapiwa zvipikirwa, vakadzivira miromo yeshumba. 34 Vakadzima simba romoto, vakatiza minondo inopinza, vakasimbiswa muutera, vakava nesimba pakurwa, vakadzinga hondo dzamamwe marudzi. 35 Vakadzi vakapiwazve vakafa vavo, vamutswa; vamwe vakapurwa, vakaramba kusunungurwa, kuti vawane kumuka kwakapfuura nokunaka; 36 vamwe vakaedzwa, vachisekwa, vachirohwa zvikuru, uyezve vachisungwa, vachiiswa mutorongo; 37 vakatakwa namabwe, vakaedzwa, vakaurayiwa nomunondo; vakafamba vakafuka matehwe amakwai, nenguo dzembudzi; vasina chinhu, vachitambudzika, vachiitirwa zvakaipa; 38 (nyika haina kufanirwa navo), vachidzungaira mumarenje, nomumakomo, nomumapako, nomumakomba enyika. 39 Ava vose vakanga vapupurirwa nokutenda kwavo, asi havana kupiwa zvipikirwa, 40 nokuti Mwari akanga atigadzirira, chimwe chinhu chinopfuura nokunaka, kuti ivo varege kukwaniswa kunze kwedu. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe