ƲaFiripi 3 - Shona BIBLEKushingayira kwaPauro kuziva Kristu 1 Pakupedzisira, hama dzangu, farai muna Ishe. Ini handinetswi nokukunyoreraizve zvinhu zviya, asi zvinokusimbisai imi. 2 Ityai imbwa, ityai vabati vakaipa, ityai vokucheka; 3 nokuti isu tiri vokudzingiswa, tinonamata noMweya waMwari, tinozvirumbidza muna Kristu Jesu, tisingavimbi nenyama, 4 kunyangwe ini hangu ndingavimba nenyama; kana kuno mumwe munhu anoti ndinovimba nenyama, zvikuru ini. 5 Ndakadzingiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaVaIsiraeri veimba yaBhenjamini, muHebheru wavaHebheru; pamurairo ndiri muFarisi; 6 pakushingaira kwangu, ndaitambudza sangano; pakururama kunorehwa nomurairo ndakanga ndisina chandingapomerwa. 7 Asi izvozvo, zvaiva pfuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuda kwaKristu. 8 Hongu, zvirokwazvo, ndinototi zvinhu zvose kurashikirwa hako nokuda kwokunaka kwokuziva Kristu Jesu, Ishe wangu, wandakarasikirwa nezvinhu zvose nokuda kwake, ndikazviedza marara, kuti ndiwane Kristu; 9 ndiwanikwe maari, ndisina kururama kwangu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kuna Kristu, ndiko kururama kunobva kuna Mwari nenzira yokutenda; 10 kuti ndimuzive iye, nesimba rokumuka kwake, nokusangana naye pamatambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake; 11 kuti zvimwe ndisvike pakumuka kwavakafa. 12 Handiti ndatochiwana, kana ndatokwaniswa, asi ndinoshingairirako, kuti zvimwe ndichibate, icho Kristu Jesu chaakambondibatira. 13 Hama dzangu, ini handiti ndatochibata, asi ndinoita chinhu chimwe: ndinokanganwa zviri shure, ndichinanavira kune zviri mberi, 14 ndinoshingairira kunharidzano, kuti ndipiwe mubairo wokudana kwaMwari kunobva kudenga, muna Kristu Jesu. 15 Naizvozvo isu tose, takakura, ngative nomwoyo wakadaro; kana imi muno mumwe mwoyo, Mwari uchakuratidzai naizvozvowo. 16 Asi, ngatirambe tichifamba bedzi nomurangariro iwoyu watasvika nawo patasvika. 17 Hama dzangu, ivai vateveri vangu mose; natsai kurarira avo vanofamba saizvozvo sezvatakakutungamirirai isu. 18 Nokuti vazhinji, vandakakuudzai zvizhinji, nazvino ndinokuudzaiwo nokuchema, vanofamba vari vavengi vomuchinjikwa waKristu; 19 kuguma kwavo ndiko kuparadzwa, mwari wavo idumbu ravo, vanozvirumbidza pamusoro pezvinonyadzisa zvavo, vanofunga zvenyika. 20 Nokuti nyika yedu iri kudenga, uko kwatakatarira kuuya kwoMuponesi Ishe Jesu Kristu; 21 uyo achavandudza muviri wokuninipiswa kwedu, kuti ufanane nomuviri wokubwinya kwake, nesimba iro raanogonawo naro kuzviisira zvose pasi pake. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe