Online Bible

- Reklamy -

Titosi 1 - Shona BIBLE


Kwaziso

1 Pauro, muranda waMwari, nomupostori waJesu Kristu, nokuda kwokutenda kwavakasanangurwa vaMwari, nokwokuzivisa chokwadi chiri pakunamata Mwari,

2 patariro youpenyu husingaperi, hwaakapikira iye Mwari, asingatongorevi nhema, nguva dzisingaperi dzisati dzavapo,

3 asi panguva dzazvo akazivisa shoko rake nokuparidza kwandakapiwa nomurairo waMwari, Muponesi wedu;

4 kuna Tito, mwana wangu chaiye pakutenda kwedu tose: Nyasha norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Muponesi wedu, ngazvive newe.


Basa raTito paKiriti

5 Ndakakusiya paKiriti nemhaka iyi, kuti upedzise kugadzira izvo zvakanga zvasara, nokugadza vakuru mumaguta ose, sezvandakakurayira.

6 Kana kuno munhu asina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwechete, ana vana vanotenda, vasingapiwi mhosva yokuti havazvidzori, kana kuti havateereri.

7 Nokuti mutariri anofanira kuva munhu asina chaangapomerwa, somuchengeti wemhuri yaMwari; asingaiti kuda kwake, asingakurumidzi kutsamwa, asingadi waini, asingarwi, asingakariri pfuma yakaipa;

8 asi anoitira vaeni rudo, anoda zvakanaka, akachenjera, akarurama, mutsvene, anozvidzora;

9 anobatisisa shoko rechokwadi, sezvarinodzidziswa, kuti agone kurayira nedzidziso yakarurama, nokukunda vanokakavara.


Vadzidzisi venhema

10 Nokuti vazhinji varipo vasingateereri, vanotaura zvisina maturo, vanonyengera, zvikuru avo vokudzingiswa,

11 vanofanira kudzivirirwa miromo yavo; vanoparadza mhuri kwazvo, zvavanodzidzisa zvisakafanira nokuda kwepfuma yakaipa.

12 Mumwe wavo, muporofita wokwavo, akati, “VaKiriti vanogara vachireva nhema, zvikara zvakaipa, navanokara vane usimbe.”

13 Kupupura uku ndokwechokwadi. Nemhaka iyi uvarange zvikuru, kuti varurame pakutenda,

14 varege kuteerera ngano dzavaJudha, nemirairo yavanhu vanofuratira chokwadi.

15 Kuna vakachena zvose zvakachena; asi kuna vakasvibiswa, vasingatendi, hakuna chinhu chakachena asi kufunga kwavo nehana yavo zvakasvibiswa.

16 Vanoti, tinoziva Mwari, asi vanomuramba namabasa avo, zvavari vanhu vanonyangadza, vasingateereri, vasakafanira pamabasa ose akanaka.

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy