Ruka 5 - Shona BIBLEKubatwa kwehove zhinji 1 Zvino, vanhu vazhinji vakati vachimumanikidza kuti vanzwe shoko raMwari, iye amire paGungwa reGenesareti, 2 akaona magwa maviri ari pagungwa, asi vabati vehove vakanga vabuda maari, vachisuka husvasvi hwavo. 3 Akapinda mune rimwe igwa, raiva raSimoni, akakumbira kwaari kuti abve pamhenderekedzo zvishoma apinde mumvura. Zvino akagara, akadzidzisa vanhu vazhinji, ari muigwa. 4 Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Endai kwakadzika, mukande husvasvi hwenyu, kuti mubate.” 5 Simoni akapindura, akati, “Tenzi, takatambura usiku hwose, tisingabati chinhu; asi zvamadaro imi, ndichakanda husvasvi.” 6 Vakati vaita izvozvo, vakakuva hove zhinji, husvasvi hwavo hukabvaruka. 7 Vakaninira shamwari dzavo mune rimwe igwa, kuti vauye kuzovabatsira. Vakauya, vakazadza magwa ose ari maviri, akanga onyura. 8 Zvino, Simoni Pita wakati achizviona, akazviwisira pasi pamabvi aJesu, akati, “Ishe, ibvai kwandiri, nokuti ndiri mutadzi.” 9 Nokuti akanga ashamiswa iye, navose vaakanga anavo nokuwanda kwehove dzavakanga vabata. 10 Ndizvo zvanga zvaitawo Jakobho, naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vaiva shamwari dzaSimoni. Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya, kubva zvino uchabata vanhu.” 11 Zvino, vakati vaisa magwa kunyika, vakasiya zvose vakamutevera. Jesu anoporesa munhu anamaperembudzi ( Mat 8:1–4 ; Mako 1:40–45 ) 12 Akati ari kune rimwe guta, tarira, kwakanga kune murume akanga ana maperembudzi muviri wose; iye akati achiona Jesu, akazviwisira pasi nechiso, ndokukumbira kwaari, achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.” 13 Ipapo akatambanudza ruoko, akamubata, achiti, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari. 14 Akamurayira kuti asaudza munhu, akati, “Enda unozviratidza kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” 15 Asi mukurumbira wake wakapararira nokupfuurisa; vanhu vazhinji zhinji vakaungana kuzomunzwa, nokuporeswa matenda avo. 16 Asi iye akaenda mumarenje, akandonyengetera. Jesu anoporesa munhu akafa mitezo ( Mat 9:1–8 ; Mako 2:1–12 ) 17 Nerimwe ramazuva iwayo akanga achidzidzisa; VaFarisi navadzidzisi vomurairo vakanga vagerepo, vaibva kumisha yose yeGareriya neJudhiya neJerusaremu; simba raIshe rokuporesa rakanga rinaye. 18 Zvino, tarira, vamwe varume vakanga vakatakura munhu akanga akafa mitezo, ari panhoo, vakatsvaka kupinda naye, nokumuisa pamberi pake. 19 Zvino, vakati vachishayiwa pavangamupinza napo, nokuda kwavazhinji, vakakwira pamusoro peimba, vakamuburusira mukati nenhoo yake, napakati pamapfuriro, pamberi paJesu. 20 Iye akati achiona kutenda kwavo, akati, “Murume, wakanganwirwa zvivi zvako.” 21 Vanyori navaFarisi vakatanga kufunga, vachiti, “Ndianiko uyu anotaura achishonha Mwari? Ndianiko angakanganwira zvivi, asi Mwari oga?” 22 Zvino Jesu, zvaaiziva mifungo yavo, akapindura, akati kwavari, “Munofungeiko mumwoyo yenyu? 23 Chiiko chakareruka, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kuti, ‘Simuka, ufambe?’ 24 “Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba panyika rokukanganwira zvivi, akati kune akafa mitezo, ‘Ndinoti kwauri, simuka, utore nhoo yako, uende kumba kwako.’ ” 25 Akasimuka pakarepo pamberi pavo, akatora chaakanga avete pamusoro pacho, akaenda kumba kwake, achirumbidza Mwari. 26 Vakashamiswa vose, vakarumbidza Mwari, vakatya kwazvo, vachiti, “Taona madambi nhasi!” Kudanwa kwaRevhi ( Mat 9:9–13 ; Mako 2:13–17 ) 27 Shure kwaizvozvo, akabuda, akaona muteresi, ainzi Revhi, agere panotereswa, akati kwaari, “Nditevere!” 28 Iye akasiya zvose, akasimuka, akamutevera. 29 Revhi akamuitira mabiko makuru mumba make; kukavapo vazhinji zhinji vavateresi navamwe, vakanga vagere navo pakudya. 30 VaFarisi navanyori vavo vakanyunyutira vadzidzi vake, vachiti, “Munodyireiko navateresi navatadzi, nokunwa navo?” 31 Jesu akapindura, akati kwavari, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. 32 Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi, kuti vatendeuke.” Kuzvinyima zvokudya ( Mat 9:14–17 ; Mako 2:18–22 ) 33 Zvino vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanozvinyima zvokudya kazhinji, vachikumbira; navaVaFarisi vanodarowo, asi venyu vanodya nokunwa.” 34 Jesu akati kwavari, “Mungadzivisa shamwari dzemuwani kudya, muwani achiri kwavari here? 35 Asi mazuva achasvika; zvino kana muwani azobviswa kwavari, vachazvinyima zvokudya namazuva iwayo.” 36 Akataura navo nomufananidzo, akati, “Hakuna munhu achabvarura chiremo panguo itsva, akachiisa panguo yakasakara; nokuti chichabvarura nguo itsva, uye chiremo chenguo itsva hachinganzwani neyakasakara. 37 Hakuna munhu achadira waini itsva muhombodo tsaru kana akadaro waini itsva ichaparusa hombodo, ikateuka, nehombodo dzikafawo; 38 asi waini itsva inofanira kudirwa muhombodo itsva. 39 Hakuna munhu anoti kana anwa waini tsaru, angazoda itsva; nokuti anoti, ‘Tsaru ndiyo yakaisvonaka.’ ” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe