Online Bible

- Reklamy -

Ruka 17 - Shona BIBLE


Zvigumbuso nokukanganwirana
( Mat 18:6–7 , 21 , 22 ; Mako 9:42 )

1 Zvino akati kuvadzidzi vake, “Hazvingaitiki kuti zvigumbuso zvisauya. Asi ane nhamo iye wazvinouya naye.

2 Zvaiva nani kwaari, kuti guyo risungirirwe mumutsipa wake, awisirwe mugungwa, pakuti agumbuse mumwe wavaduku ava.

3 “Chenjerai; kana hama yako ikatadza, umurayire; kana akatendeuka, umukanganwire.

4 Kunyangwe akutadzira kanomwe nezuva rimwe, akadzokera kwauri kanomwe, achiti, ‘Ndatendeuka;’ umukanganwire.”


Simba rokutenda. Varanda pasina

5 Zvino vapostori vakati kuna Ishe, “Tiwedzerei kutenda kwedu.”

6 Ishe akati, “Kana maiva nokutenda kwakaita setsanga yemasitadhi, maiti kumuonde uyu, ‘Dzurwa, usimwe mugungwa!’ Uchakuteererai.

7 “Ndiani kwamuri angava nomuranda anorima, kana anofudza makwai, akati kwaari, achibva kumunda, Uya, ugare pakudya?

8 “Handiti angati kwaari, ‘Ndigadzirire zvokudya, uzvisunge chiuno, undishandire, kusvikira ini ndadya, ndikanwa; iwe ugozodya, nokunwa?’

9 Ko angatenda muranda, zvaaita zvakanga zvarayirwa here?

10 “Saizvozvo nemiwo, kana maita zvose zvamarayirwa, muti, ‘Tiri varanda pasina, takaita sezvataifanira kuita.’ ”


Jesu anoporesa vana maperembudzi vane gumi

11 Zvino vakati vachienda Jerusaremu, akapfuura napaSamaria neGareriya.

12 Zvino achipinda munomumwe musha, akasangana navarume vane gumi vaiva namaperembudzi, vamire kure.

13 Vakadanidzira, vachiti, “Jesu, Tenzi, tinzwirei ngoni!”

14 Zvino akati achivaona, akati kwavari, “Endai mundozviratidza kuvapristi.” Vakati vachienda, vakapora.

15 Zvino mumwe wavo, akati achiona kuti ndaporeswa, akadzoka, achikudza Mwari nezwi guru;

16 akawira pasi nechiso patsoka dzake, akamuvonga. Zvino iye akanga ari muSamaria.

17 Ipapo Jesu akapindura, akati, “Havana kuporeswa vane gumi here? Vapfumbamwe varipiko?

18 Hapana akawanikwa adzokera kuzokudza Mwari, asi uyu mutorwa here?”

19 Ipapo akati kwaari, “Simuka, uende; kutenda kwako kwakuponesa.”


Ushe hwaMwari, nokudzoka kwaIshe
( Mat 24:23–28 , 37–41 )

20 Zvino akati achibvunzwa navaFarisi kuti ushe hwaMwari hunosvika rini, akapindura akati, “Ushe hwaMwari hahuuyi huchionekwa.

21 Havangati, ‘Tarirai pano!’ Kana, ‘Uko!’ Nokuti tarirai, ushe hwaMwari huri mukati menyu.”

22 Akati kuvadzidzi vake, “Mazuva achasvika amuchatsvaka kuona zuva rimwe ramazuva oMwanakomana womunhu, asi hamungarioni.

23 Vachati kwamuri, ‘Tarirai uko! Tarirai pano!’ Regai kuenda, kana kuvatevera;

24 nokuti semheni inopenya, ichibva kune rumwe rutivi pasi pedenga, ichivhenekera kusvikira kune rumwe rutivi pasi pedenga; ndizvo zvichaita Mwanakomana womunhuo nezuva rake.

25 Asi anofanira kumbotambudzika zvizhinji, nokurambwa norudzi urwu.

26 Sezvazvakanga zvakaita namazuva aNowa, ndizvo zvazvichaitawo namazuva oMwanakomana womunhu;

27 vaidya, nokunwa, nokuwana, nokuwaniswa, kusvikira zuva rakapinda Nowa muareka, mvura zhinji ikasvika, ikaparadza vose.

28 Sezvazvakanga zvakaitawo namazuva aRoti; vaidya, nokunwa, nokutenga, nokutengesa, nokusima, nokuvaka;

29 asi nomusi wakabuda Roti muSodhoma, moto nesurufa zvakanaya, zvichibva kudenga, zvikavaparadza vose.

30 Ndizvo zvazvichaitawo nezuva iro, Mwanakomana womunhu raachaonekwa naro.

31 “Nezuva iro, ari pamusoro peimba, nhumbi dzake dziri mumba, ngaarege kuburuka kundodzitora; saizvozvowo, ari kumunda ngaarege kudzokera kune zviri shure.

32 “Rangarirai mukadzi waRoti.

33 Ani naani anotsvaka kungwarira upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, uye ani naani anorasikirwa nahwo, acharuramiswa.

34 Ndinoti kwamuri, usiku uhwo varume vaviri vachava panhoo imwe, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.

35 Vakadzi vaviri vachakuya pamwechete, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa. [

36 Vaviri vachava kumunda, mumwe achatorwa, mumwe achasiyiwa.]”

37 Ipapo vakapindura, vakati kwaari, “Ipiko, Ishe?” Akati kwavari, “Apo pano mutumbi, ndipo panounganirawo magora.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy