Mupiro 12 - Shona BIBLEMirairo yokunatswa kwavakadzi 1 Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, 2 “Taura navana VaIsiraeri uti, ‘Kana mukadzi akava nemimba, akapona mwanakomana, uchava asina kunaka mazuva manomwe, uchava asina kunaka sapanguva yaari kumwedzi. 3 Nomusi worusere mwanakomana anofanira kudzingiswa chikanda chake chapamberi.’ 4 Zvino mukadzi anofanira kugara mazuva makumi matatu namatatu achizvinatsa paropa rake; ngaarege kubata chinhu chitsvene, kana kupinda paimba tsvene, kusvikira mazuva okuzvinatsa kwake apera. 5 Asi kana akapona mwana womusikana, uchava asina kunaka vhiki mbiri, sapamazuva okuva kwake kumwedzi; ngaagare achizvinatsa paropa rake mazuva ana makumi matanhatu namatanhatu. 6 Kana mazuva okuzvinatsa kwake apera pakupona mwanakomana kana mwanasikana, ngaauye negwayana regore rimwe, kuti chive chipiriso chinopiswa, nakamwana kenjiva, kana vhukutiwa, kuti chive chipiriso chezvivi, kumukova wetende rokusangana kumupristi; 7 agochibayira pamberi paJehovha, kumuyananisira; zvino wanatswa pakuyerera kweropa rake. Ndiwo murairo kune anopona mwana womukomana kana womusikana. 8 Kana akasakwanisa kuuya negwayana, ngaatore njiva mbiri kana twana tuviri twenjiva; imwe chive chipiriso chinopiswa, neimwe chipiriso chezvivi; kuti mupristi amuyananisire, anake.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe