Mika 4 - Shona BIBLERugare ruchavapo namazuva okupedzisira 1 “Asi namazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richagadzwa pamisoro yamakomo, richakwiridzwa kumusoro kwezvikomo; marudzi avanhu achamhanyira kwariri. 2 Marudzi mazhinji achaenda, achiti, ‘Uyai, hendei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, uye isu tichafamba namakwara ake. Nokuti paZioni ndipo pachabuda murairo, napaJerusaremu shoko raJehovha.’ 3 Iye achatonga pakati pamarudzi mazhinji, acharuramisira marudzi ane simba ari kure; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rudzi rumwe harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. 4 Asi mumwe nomumwe achagara pasi pomuzambiringa wake napasi pomuonde wake, hakuna angazovatyisa, nokuti muromo waJehovha wehondo wakataura izvozvo. 5 Nokuti marudzi ose avanhu anofamba, rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu nokusingaperi–peri. 6 “Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndichaunganidza vanokamhina, ndichaunganidza vakadzingwa, navakatambudzwa neni; 7 vaikamhina ndichavaita vakasara, uye vakanga vakarashirwa kure ndichavaita rudzi rwakasimba; Jehovha achavabata ushe pagomo reZioni kubva zvino nokusingaperi. 8 “Zvino iwe, rutura rwamakwai, iwe chikomo chomukunda weZioni, zvichasvika kwauri, zvirokwazvo ushe hwokutanga huchasvika, ihwo ushe hwomukunda weJerusaremu. 9 Zvino munodanidzireiko? Hakuna mambo pakati penyu here, chipangamazano wenyu aparara here, zvamabatwa nokurwadziwa sokwomukadzi anosununguka? 10 Chirwadziwa, utambure nokusurumuka, iwe mukunda weZioni, somukadzi ari pakasurumuka; nokuti zvino uchabuda muguta, uchandogara kusango, uchandosvika Bhabhironi; ipapo uchandorwirwa, Jehovha uchakudzikinurapo pamaoko avavengi vako. 11 Zvino marudzi mazhinji avanhu akakuunganira, anoti, ‘Ngaasvibiswe, meso edu ngaaone Zioni.’ 12 Asi havazivi zvinofungwa naJehovha, havanzwisisi zvaakatema; nokuti wakavaunganidza semwanda paburiro. 13 “Simuka upure, iwe mukunda weZioni, nokuti runyanga rwako ndicharuita dare, uye mahwanda ako ndichaaita ndarira; uchaputsanya marudzi mazhinji; zvavakazviwanira ndichazvitsaurira Jehovha, pfuma yavo ndichapa Ishe wenyika yose. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe