Mateo 28 - Shona BIBLEKumuka kwaJesu, nokuzviratidza kwake ( Mako 16:1–10 , 14–18 ; Ruka 24:1–12 , 36–49 ; Johan 20:1–10 , 19–23 ; Mab 1:6–8 ) 1 Nokupera kweSabata, kwoedza, nomusi wokutanga wevhiki, Maria Magadharene, nomumwe Maria, vakauya kuzoona hwiro. 2 Zvino kukavapo kudengenyeka kukuru kwenyika, nokuti mutumwa waIshe akaburuka kudenga, akauya, akakungurusa ibwe, ndokugara pamusoro paro. 3 Kuonekwa kwake kwakanga kwakaita semheni, nezvokufuka zvake zvaiva zvichena sechando. 4 Zvino vanyakugaririra vakadedera vachimutya, vakaita savakafa. 5 Zvino mutumwa akapindura, akati kuvakadzi, “Musatya imi, nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu, akanga akaroverwa pamuchinjikwa. 6 Haapo pano, nokuti akamuka, sezvaakareva. Uyai, muone paakanga akaradzikwa. 7 “Kurumidzai muende mundoudza vadzidzi vake, ‘Kuti akamuka kuvakafa;’ tarirai anokutungamirirai Gareriya, muchandomuonapo. Tarirai, ndakuudzai.” 8 Zvino vakakurumidza kubva pahwiro, vachitya nokufara zvikuru, vakamhanyira kundoudza vadzidzi vake. 9 Zvino tarira, Jesu akasangana navo, akati, “Kwaziwai!” Vakauya, vakabata tsoka dzake, vakamupfugamira. 10 Zvino Jesu akati kwavari, “Musatya, endai mundoudza hama dzangu, kuti vaende Gareriya, vagondionako.” 11 Zvino vachiri munzira, vamwe vagariri vakasvika muguta, vakaudza vapristi vakuru zvose zvakaitwa. 12 Vakati vaungana navakuru, vakarangana, vakapa varwi mari zhinji, 13 vachiti, “Taurai muchiti, ‘Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba, isu tivete.’ 14 Kana zvikanzwika nagavhuna, tichamugutsa, imi murege kusundirwa mhosva.” 15 Zvino vakatora mari, vakaita sezvavakadzidziswa, shoko iri rikaparidzirwa pakati pavaJudha, kusvikira zuva ranhasi. 16 Zvino vadzidzi vane gumi nomumwe vakaenda Gareriya, kugomo ravakarayirwa naJesu. 17 Vakati vachimuona, vakamupfugamira, asi vamwe vakanyunyuta. 18 Ipapo Jesu akasvika, akataura kwavari, akati, “Ndakapiwa simba rose kudenga napanyika. 19 Endai naizvozvo, mudzidzise marudzi ose, muvabhabhatidze muzita raBaba, neroMwanakomana, neroMweya Mutsvene; 20 muvadzidzise kuchengeta zvose zvandakakurairai tarirai, ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe