Mateo 20 - Shona BIBLEMufananidzo wavashandi pamunda 1 “Nokuti ushe hwokudenga hwakafanana nasaimba, akabuda mangwanani kundotsvakira munda wake wemizambiringa vashandi. 2 Akati atenderana navashandi kuvapa dhinari pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa. 3 “Akabuda nenguva inenge yechitatu, akaona vamwe vamire padare, vasina basa, 4 akati kwavari, ‘Endai imiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai zvakafanira.’ Vakaenda. 5 Akabudazve nenguva inenge yechitanhatu neyepfumbamwe, akadarozve. 6 Akabuda nenguva inenge yegumi neimwe, akawana vamwe vamire; akati kwavari, ‘Makamirireiko pano zuva rose musina basa.’ 7 Vakati kwaari, ‘Nokuti hapana nomunhu akatipa basa.’ Akati kwavari, ‘Endai nemiwo mumunda wangu wemizambiringa.’ 8 Ava madekwana, mwene womunda wemizambiringa akati kumutariri wake, ‘Dana vashandi, uvape mubairo wavo, uchitanga kuno wokupedzisira, ugumire kune wokutanga.’ 9 “Zvino venguva inenge yegumi neimwe vakati vachiuya, mumwe nomumwe akapiwa dhinari. 10 Vokutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti tichapiwa kupfuura; ivo vakapiwawo mumwe nomumwe dhinari. 11 Vakati vachipiwa, vakapopotera saimba, 12 vakati, ‘Ava vokupedzisira, vakashanda awa imwechete, mavaenzanisa nesu, takatambudzika zuva rose, tichipiswa nezuva.’ 13 Akapindura, akati kuno mumwe wavo, ‘Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana neni kuti upiwe dhinari here? 14 Tora zvako, uende, ndinoda kupa vokupedzisira sewe. 15 Ko handina kutenderwa kuita pandinoda napo here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?’ ” 16 “Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, novokutanga vachava vokupedzisira.” Jesu anovaudza zvorufu rwake nokumuka kwake ( Mako 10:32–34 ; Ruka 18:31–34 ) 17 Jesu akati okwira Jerusaremu, akatora vadzidzi vake vane gumi navaviri vari voga. Akati kwavari panzira, 18 “Tarirai, tinokwira Jerusaremu, Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru navanyori, vachamutongera rufu. 19 “Vachamuisa kuvahedheni, kuti asekwe, arohwe, aroverwe pamuchinjikwa, asi nezuva retatu achamutswazve.” Vana vaZebhedhi vanokumbira kuitwa vakuru ( Mako 10:35–45 ) 20 Zvino mai vevanakomana vaZebhedhi vakauya kwaari navanakomana vavo, vachimupfugamira, kuzokumbira chinhu kwaari. 21 Akati kwavari, “Munotsvakeiko?” Vakati kwaari, “Rayirai, kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kurudyi rwenyu, mumwe kuruboshwe, muushe hwenyu.” 22 Asi Jesu akapindura, akati, “Hamuzivi zvamunokumbira. Mungagona kunwira mukombe pandinozonwira ini, here?” Vakati kwaari, “Tingagona.” 23 Akati kwavari, “Muchanwira henyu mukombe wangu, asi kugara kurudyi, nokuruboshwe, handisini ndinopa, asi ndezvavakazvigadzirirwa izvo naBaba vangu.” 24 Vane gumi vakati vachizvinzwa, vakatsamwira avo vaviri vana vomunhu mumwe. 25 Asi Jesu akavadanira kwaari, akati, “Munoziva kuti machinda avahedheni anovarayira, navakuru vavo vanoita simba navo. 26 Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani naani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu. 27 Ani naani anoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. 28 Zvakaita soMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshandirwa, asi kushandira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” Jesu anosvinudza mapofu maviri paJeriko ( Mako 10:46–52 ; Ruka 18:35–43 ) 29 Vakati vachibva Jeriko, vanhu vazhinji zhinji vakamutevera. 30 Zvino tarira, mapofu maviri akanga agere panzira, akati achinzwa kuti Jesu opfuura, akadanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” 31 Vanhu vazhinji vakaarayira kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti, “Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi, tinzwirei ngoni!” 32 Ipapo Jesu akamira, akaadana, akati, “Munoda kuti ndikuitireiko?” 33 Akati kwaari, “Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.” 34 Jesu akaanzwira tsitsi, akabata meso awo; pakarepo akasvinudzwa, akamutevera. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe