Online Bible

- Reklamy -

Mariko 3 - Shona BIBLE


Jesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara
( Mat 12:9–14 ; Ruka 6:6–11 )

1 Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara.

2 Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva.

3 Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!”

4 Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara.

5 Zvino akati aringa–ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora.

6 Zvino VaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei.


Jesu anoporesa vazhinji

7 Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji–zhinji vakamutevera vachibva Gareriya; nokuJudhiya,

8 neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJodhani, nokunyika yeTaya neSidhoni, vanhu vazhinji zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari.

9 Akaudza vadzidzi vake kuti igwa rigare nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira.

10 Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana, kuti vachida kumubata panguva imwechete.

11 Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!”

12 Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena.


Jesu anodana vadzidzi vake
( Mat 10:1–4 ; Ruka 6:12–16 )

13 Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari.

14 Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze,

15 uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa.

16 Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi,

17 naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;”

18 naAndireya, naFiripi, naBhatoromiyo, naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeusi, naTadhiasi, naSimoni muKenani,

19 naJudhasi Isikarioti akazomupandukirawo. Zvino akapinda mumba,


Kushonha Mweya Mutsvene
( Mat 12:22–32 ; Ruka 11:14–23 ; 12:10 )

20 vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyangwe kudya chingwa.

21 Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.”

22 Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusaremu, vakati, “Ana Bheerizebhuri, anobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.”

23 Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo. “Satani angabudisa Satani seiko?

24 Kana ushe huchizvipesanisa, ushe uhwo hahungagoni kumira.

25 Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira.

26 Kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi anopera.

27 “Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga ane simba; zvino angaparadza imba yake.

28 “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako;

29 asi ani naani ashonha Mweya Mutsvene, haangaregerwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”

30 Nokuti vakati, “Ano mweya wakaipa.”


Ukama naJesu
( Mat 12:46–50 ; Ruka 8:19–21 )

31 Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana.

32 Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.”

33 Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?”

34 Zvino akaringa–ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu!

35 “Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.”

Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.

Bible Society of Zimbabwe
Následuj nás:



Reklamy