Mabasa 28 - Shona BIBLEPauro paMorota 1 Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Morota. 2 Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando. 3 Zvino Pauro akati aunganidza svinga routsotso, akahuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruoko rwake. 4 Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyangwe adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.” 5 Asi iye wakazunzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa. 6 Ivo vakati achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakaona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti, “Iye Mwari.” 7 Zvino pedyo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, ainzi Pubhuriyo; iye akatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. 8 Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa. 9 Izvo zvakati zvaitwa, navamwewo vechiwi, vairwara, vakauya, vakaporeswa. 10 Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda, vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishayiwa. Pauro oenda Roma, kwaanogara makore maviri 11 Mwedzi mitatu yakati yapfuura, tikaenda nechikepe cheArekizandiria, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti “Dhiokuri.” 12 Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagarapo mazuva matatu. 13 Tikabvapo, tikapota, ndokusvika Rhegiumu; zuva rimwe rikati rapfuura, mhepo yaibva zasi ikamuka, tikasvika Puteori nezuva repiri; 14 tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma. 15 Zvino hama dzakati dzatinzwa, dzikabvapo, dzikauya kuzotichingamidza, dzikasvika Apio Foro napaTabherini Nhatu; Pauro akati adziona idzo, akavonga Mwari, akatsunga mwoyo. 16 Zvino takati tapinda Roma, Pauro akatenderwa kugara ari oga, anomurwi aimurinda. 17 Mazuva matatu akati apfuura, akakokera avo, vakanga vari vakuru vavaJudha. Vakati vaungana, akati kwavari, “Varume, hama, ini kunyangwe ndisina kuita chinhu chakatadzira vanhu, kana tsika dzamadzibaba edu, ndakabva Jerusaremu ndakasungwa, ndaiswa pamaoko avaRoma; 18 ivo, vakati vandibvunzisisa, vakada kundisunungura, nokuti pakanga pasina mhosva yorufu kwandiri. 19 Asi vaJudha vakaramba, ndikarovererwa kuzviisa kuna Kesari; kusi kuti ndaiva nechinhu chokupomera rudzi rwangu. 20 Zvino ndakakudanai pamusoro pemhosva iyi, kuti ndikuonei, nditaurirane nemi, nokuti ndakasungwa nengetani iyi nokuda kwetariro yaVaIsiraeri.” 21 Vakati kwaari, “Hatina kugamuchira tsamba pamusoro pako, dzaibva Judhiya, uye hakuna mumwe wehama akasvika akatiudza zvako, kana kutaura zvakaipa pamusoro pako. 22 Asi tinoda kunzwa kwauri zvaunofunga; nokuti kana iri dzidziso iyi, tinoziva kuti inorambwa kwose–kwose.” 23 Zvino vakati vamutarira zuva, vakauya kwaari vari vazhinji, kwaakanga agere, akavadudzira, achivapupurira kwazvo ushe hwaMwari, akavagombedzera pamusoro paJesu, nomurairo waMosesi navaporofita, kubva mangwanani kusvikira madekwana. 24 Vamwe vakatenda zvakataurwa, asi vamwe havana kutenda. 25 Zvino zvavakanga vasinganzwani, vakaenda, Pauro ataura shoko rimwechete kwavari rokuti, “Mweya Mutsvene akataura zvakanaka nomuporofita Isaya kuna madzibaba enyu, 26 achiti, ‘Enda kuvanhu ava uti, Nokunzwa muchanzwa, musingatongonzwisisi; Nokuona, muchaona, musingaonesesi. 27 Nokuti mwoyo yavanhu ava yava mikukutu, Nzeve dzavo hadzinzwi zvakanaka, Vakatsinzina meso avo; Kuti varege kutongoona nameso avo, Nokunzwa nenzeve dzavo, Nokunzwisisa nemwoyo yavo, Vatendeuke, Ndivaporese.’ ” 28 Zvino zivai imi, kuti ruponeso urwu rwakatumirwa vahedheni; ivo vachanzwawo. [ 29 Akati ataura izvozvo, vaJudha vakaenda, vachiita nyaya huru pakati pavo.] 30 Iye akapedza makore maviri agere muimba yake yairipirwa mari, akagamuchira vose vaipinda kwaari, 31 achiparidza ushe hwaMwari, achidzidzisa zvaIshe Jesu Kristu, asingatongotyi, asingadziviswi nomunhu. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe