Mabasa 10 - Shona BIBLEKoniriasi anobhabhatidzwa 1 Zvino kwakanga kuno mumwe murume paSizaria, ainzi Koniriasi, mukuru wezana wehondo yainzi Itari, 2 munhu, ainamata noaitya Mwari, iye naveimba yake yose, aipa vanhu zvipo zvizhinji, nokunyengetera kuna Mwari misi yose. 3 Zvino nenguva inenge yepfumbamwe yezuva akaona kwazvo, nezvaakaratidzwa, mutumwa waMwari achipinda kwaari, achiti kwaari, “Koniriasi!” 4 Iye akamutarisisa, akatya, akati, “Chiiko Ishe?” Akati kwaari, “Minyengetero yako nezvipo zvako zvakwira pamberi paMwari, zvarangarirwa. 5 Zvino tuma varume Jopa kundodana Simoni, anotumidzwa Petirosi. 6 Anogara nomumwe anonzi Simoni, musuki wamatehwe, imba yake iri pagungwa.” 7 Zvino mutumwa, akataura naye, akati abva, akadana varanda vake vaviri nomurwi wakarurama pakati pavaisimushumira, 8 akavaudza zvose, ndokuvatumira Jopa. 9 Zvino fume mangwana vachiri parwendo, vava pedyo neguta, Petirosi akakwira pamusoro peimba kundonyengetera nenguva inenge yechitanhatu. 10 Akaziya kwazvo, akada kudya; zvino vakati vachagadzira, akabatwa mweya; 11 akaona denga razarurwa nechimwe chinhu chichiburuka somucheka mukuru unoburusirwa pasi wakasungwa miromo mina. 12 Maiva nemhuka dzose dzina makumbo mana nezvinokambaira zvenyika, neshiri dzedenga. 13 Izwi rikauya kwaari, richiti, “Simuka Petirosi, baya, udye.” 14 Asi Petiro akati, “Kwete, Ishe, nokuti handina kutongodya chinhu chisakanaka, chine tsvina.” 15 Ipapo izwi rikauyazve kwaari rwechipiri, richiti, “Chakanatswa naMwari, usati, chine tsvina iwe.” 16 Izvozvo zvakaitwa katatu, chinhu chikakwidzwa pakarepo kudenga. 17 Zvino Petirosi akati achakanganiswa mumwoyo make, kuti chiratidzo chaakanga aona chairevei, tarira varume vakanga vatumwa naKoniriasi, vamira pasuwo vachibvunza imba yaSimoni; 18 vakadana, vakabvunza kana Simoni, anonzi Petirosi, agerepo. 19 Zvino Petirosi, achafunga chiratidzo, Mweya akati kwaari, “Tarira, varume vatatu vanokutsvaka. 20 Zvino simuka, uburuke, uende navo, usinganyunyuti, nokuti ndini ndavatuma.” 21 Ipapo Petirosi akaburukira kuvarume avo, akati kwavari, “Tarirai, ndini wamunotsvaka; shoko ramauyira ndereiko?” 22 Vakati, “Koniriasi, mukuru wezana, murume akarurama, anotya Mwari, anorumbidzwa norudzi rwose rwavaJudha, akarayirwa naMwari nomutumwa mutsvene, kuti akudanei kuzouya kumba kwake, kuti anzwe mashoko kwamuri.” 23 Ipapo akavadana mumba, akati vagarepo. Fume mangwana akasimuka akaenda navo; nedzimwe hama dzapaJopa dzikamuperekedza. 24 Fumezve mangwana akapinda Sizaria. Zvino Koniriasi akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa. 25 Zvino Petirosi akati achipinda, Koniriasi akamuchingamidza, akawira pasi petsoka dzake, akamupfugamira. 26 Asi Petirosi akamusimudza, akati, “Simuka, neni ndiri munhuwo.” 27 Zvino akati achataura naye, akapinda, akawana vazhinji vakaungana, 28 akati kwavari, “Imi munoziva kuti hazvina kufanira kuti muJudha afambidzane nomunhu worumwe rudzi, kana kuuya kwaari. Asi Mwari akandiratidza, kuti ndirege kuti munhu haana kunaka, kana kuti ane tsvina; 29 naizvozvo ndauya, ndisingaramba, zvandadanwa; zvino ndinobvunza kuti mandidanireiko.” 30 Koniriasi akati, “Ava mazuva mana kusvikira nguva ino, ini ndakanga ndichinyengetera mumba mangu nenguva yepfumbamwe; ipapo ndikaona murume amire pamberi pangu, ane nguo dzinopenya, 31 akati, ‘Koniriasi, kunyengetera kwako kwanzwikwa, nezvipo zvako zvarangarirwa naMwari. 32 Naizvozvo chitumira vanhu Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; anogara mumba maSimoni musuki wamatehwe, pagungwa.’ 33 Naizvozvo ndakakurumidza kutuma kwamuri; zvino maita zvakanaka, zvamauya. Zvino isu tose tiri pano pamberi paMwari kuti tinzwe zvose zvamarayirwa naIshe.” 34 Ipapo Petirosi akashamisa muromo wake akati, “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu, 35 asi parudzi rupi norupi, munhu, anomutya, achiita zvakarurama, anogamuchirwa naye. 36 “Ndiro shoko, raakatuma kuvana VaIsiraeri, achiparidza mashoko akanaka orugare naJesu Kristu (ndiye Ishe wavose). 37 Imi munoziva shoko iro rakaparidzwa paJudhiya rose, rakatanga paGareriya, shure kwokubhabhatidza kwakaparidzwa naJohani; 38 raJesu weNazareta, kuti Mwari akamuzodza naMweya Mutsvene nesimba; iye aipota nyika, achiita zvakanaka, achiporesa vose vakamanikidzwa naDhiabhori; nokuti Mwari aiva naye. 39 Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti. 40 “Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; 41 akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. 42 Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa. 43 “Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.” 44 Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko. 45 Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; 46 nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petirosi akapindura, akati, 47 “Kuno munhu here angadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?” 48 Zvino akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe