Jona 3 - Shona BIBLEJona anotumwazve Ninivha, vanhu vanotendeuka 1 Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti, 2 “Simuka, uende Ninivha, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.” 3 Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivha, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivha raiva guta guru–guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo. 4 Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivha richaparadzwa.” 5 Vanhu veNinivha vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo. 6 Shoko rikasvika kuna mambo weNinivha, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota. 7 Akaraira, akaparidza muNinivha rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura; 8 asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake. 9 “Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?” 10 Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita. |
Shona Union Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2002.
Bible Society of Zimbabwe